Uncategorized

Covid-19 yabata 37

15 May, 2020 - 00:05 0 Views
Covid-19 yabata 37

Kwayedza

Tandayi Motsi
BAZI rezveutano nekurerwa kwevana rinoti huwandu hwevanhu vavhenekwa vakawanikwa vaine coronavirus — hutachiona hunokonzerwa chirwere cheCovid-19 — muZimbabwe hwasvika pavanhu 37.

Pavanhu ava, vana (4) vafa nekuda kwechirwere ichi kuchiti vamwe 12 vapona mushure mekunge vabatwa nacho.

Huwandu hwevane Covid-19 hwasvika pa37 zvichitevera kubatwa kwakaitwa mumwe murume ane makore 42 ekuberekwa wekuChinhoyi kuti ane chirwere ichochi.

Bazi reutano rinoti murume uyu haana nhoroondo yekumboshanya kana kusangana nemunhu ane hutachiona hwecoronavirus.

“Bazi rezveutano nekurerwa kwakanaka kwevana riri kuramba richirwa rimire mukudzivirira kupararira kweCovid-19 uye rinoda kuyeuchidza veruzhinji kuti matanho akasimba mukumisa chirwere ichi kuve nehutsanana, kupfeka masiki nguva dzose kana munhu ari paruzhinji uye kusaungana,” rinodaro muchinyorwa charo chemusi weChipiri.

Pa37 vawanikwa vaine Covid-19, Harare ndiyo ine vakawanda vanove 14, ichiteverwa neBulawayo ine 12, Mashonaland East neMashonaland West dzine vanhu vashanu padunhu rimwe nerimwe kozoti Matabeleland North ine munhu mumwe chete.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>