Covid-19 yanyuka muzvikoro

23 Jan, 2023 - 18:01 0 Views
Covid-19 yanyuka muzvikoro VaTaungana Ndoro

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

CHIRWERE cheCovid-19 chinonzi chaonekwa muzvikoro zvitatu, zvinosanganisira zvebhodhingi, zviri kudunhu reMashonaland East uye nyanzvi dzezveutano dziri mushishi kubatsira mukumisa kutekeshera kwacho.

VaTaungana Ndoro, avo vanova mukushi wemashoko kubazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari, vanotsinhira nyaya iyi.

“Hongu, kune zvikoro zvitatu zviri mudunhu reMashonaland East zvine vana vakabatwa neCovid-19 uye vari kubatsirwa nevebazi rezveutano avo vanoshanda vari muchikamu chedzidzo. Hatisati tava nehuwandu hwevana vabakatwa nechirwere ichi uye kana tichinge tatumirwa magwaro nevakuru vezvikoro nevanoona nezveutano vekumatunhu iwaya, tinokuzivisai,” vanodaro.

VaNdoro vanoti zvikoro zvine vana vakabatwa nechirwere ichi ndezvinoti Murehwa High, Nhowe Mission neKowo Primary iri kwaMutoko.

“Pari zvino hapana rufu rwaitika kana murwere apihwa mubhedha muchipatara panyaya idzi, kureva kuti dzichiri nani. Vana vakabatwa nechirwere ichi ndivo vari kumbopaurwa kubva kune vasina kuti chisapararire,” vanodaro.

Bazi rezveutano nekurerwa kwevana riri kuramba richikurudzira veruzhinji maringe nezvekukosha kwekudzivirira kupararira kweCovid-19 sezvo chirwere ichi chichirimo munyika.

Mashoko anobuditswa zuva nezuva nebazi iri anoratidza kuti nemusi wa19 Ndira, vanhu vaviri vakafa nekuda kwechirwere ichi uye mumwe chete ndokufa zvakare nemusi wa20 Ndira.

Share This:

Sponsored Links