Covid-19 yaondonga mabasa ekurima

27 Oct, 2020 - 16:10 0 Views
Covid-19 yaondonga mabasa ekurima Dr Masuka

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

ZIMBABWE iri kutsigira musangano uri pamusoro pekukosha kwekuchengetedzwa kwechikafu we31th Session Food and Agriculture Organisation Conference for Africa kwemazuva matatu panguva iyo pasi rose riri kurwisa chirwere cheCovid-19 icho chiri kukanganisa mabasa ekurima, kuwanikwa kwechikafu uye kutengeserana nedzimwe nyika.

Musangano uyu – uyo wakatanga nemusi weMuvhuro – uri kupindwa nevamiriri venyika dzinosanganisira Zimbabwe, Zambia, Nigeria, Senegal, Democratic Republic of Congo (DRC), South Sudan, Lesotho neAngola.

Uri kuitwa padandemutande (virtual) sezvo nyaya dzekuungana kwevanhu dzisiri kukurudzirwa nechinangwa chekumisa kupararira kweCovid-19.

Chirwere ichi idambudziko guru pasi rose nekuti chiri kukanganisa nyaya dzeutano uye kudzikisira budiriro yose yakanga yaitwa nenyika dzemuAfrica mumakore adarika, zvikuru mukurwisa nzara neurombo.

Musangano uyu uri kuitwa panguva iyo varimi vari kukurudzirwa kurima mbesa dzinotivirira kuzuva semapfunde, zviyo, mhunga nekuchengetawo zvipfuyo zvisingakurumidze kubatwa nezvirwere.

Zvakaonekwa kuti huwandu hwevanhu vari kuda chikafu huri kuramba huchiwedzera apo 820 miriyoni pasi rose vasiri kuwana chikafu chinovakwanira uye vazhinji vavo ndevagere kumaruwa.

Vachiparura chirongwa cheFAO Regional Conference muHarare nemusi weMuvhuro, gurukota rezveminda, kurima, mvura nekusimudzirwa kwemaruwa, Dr Anxious Masuka vanoti zvakakosha kuti chikafu chichengetedzwe uye varimi vavandudze kurima kwavo kuburikidza nekushandisa ruzivo rwechizvino-zvino.

“Musangano uno waifanirwa kuitwa mumwedzi waKurume asi nekuda kwechirwere cheCovid-19, wakambomiswa. Chirongwa ichi chauya panguva iyo vanhu 820 miriyoni vari kunetseka chikafu pasi rose, izvo zvinounza zvimwe zvirwere sekwashi izvo zvakarerekera mukushaikwa kwekudya kunovaka muviri.

“Vanhu vari kunyanya kutambudzwa nenzara muAfrica ndevagere kumaruwa, sevarimi vadiki vanonetseka kuwana zvekushandisa pakurima,” vanodaro.

Chirongwa ichi chiri kuitwa pasi pedingindira rekukoshesa kurima kuchitorwa sebhizimusi zvichiita kuti vanhu vawane chikafu chakakwana uye zvichifambirana nezvinangwa zvinoendeka zvemaSustainable Development Goals.

Dr Masuka vanoti kurima ibhizimusi guru muAfrica nekuti kunoita kuti vanhu vakwanise kuwana mari uye chikafu chavanovandudza zvichibatsira mukusimudzira raramo yeruzhinji.

Sangano reFAO riri kubatsirana neHurumende mukurwisa nzara nezvirwere zviri kukanganisa zvipfuyo uye goho revarimi.

FAO Assistant Director-General ari zvakare mumiririri weAfrica, Abebe Haile-Gabriel, anoti Covid-19 iri kukanganisa kuwaniswa kwechikafu munyika dziri muAfrica, zvikuru apo dziri kuedza kurwisa zvirwere uye twumbuyu sehwiza (desert locusts) nemakonye (fall armyworm) izvo zviri kuita kuti varimi vadhurirwe nekutenga mishonga yekuzvirwisa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>