Covid-19 yatikanya: Mapeza

10 Apr, 2020 - 00:04 0 Views
Covid-19 yatikanya: Mapeza Norman Mapeza

Kwayedza

Abel Ndooka
NORMAN MAPEZA – uyo akambotamba nhabvu muno nekunze kwenyika asati azova murairidzi – anoti chirwere chanetsa cheCovid-19 chadzosera mutambo uyu shure, muno nepasi rose.

Mapeza, uyo nguva yadarika airairidza chikwata cheChippa United chekuSouth Africa, anoti nhabvu yavhiringidzwa zvikuru pasi rose nekuda kwechirwere ichi nekuti zvikwata zvizhinji zvave kurasikirwa nemari sezvo mutambo yakambomiswa.

“Chokwadi nhabvu yavhiringidzwa zvikuru pasi rose uye hatizive kuti tiri kunanga kupi nekuti kutaura kuno mitambo haimbokwanisa kutambwa kana vanhu vachiramba vachifa nechirwere ichi sezviri kuitika kune dzimwe nyika.

“Zvikwata zvizhinji, zvimwe zvikuru chaizvo, zvarasikirwa nemari yakawanda nekuti vanotsigira nemari zvikwata izvi havachadira mari sezvavanosiita kana mutambo isiri kutambwa saizvozvi. Saka zvazviri zvakatoshatira nhabvu yepasi rose,” anodaro.

Mitambo yemuno yePSL yakange yava pedyo nekutanga apo pakazotarwa nemutungamiri wenyika President Mnangagwa kuti vanhu vose vambogara mudzimba dzavo nechinangwa chekurwisa kutapurirana nekupararira kwechirwere cheCovid-19.

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, muZimbabwe manga mave nevanhu gumi nemumwe vawanikwa vaine cherwere ichi apo vaviri vavo vakatoshaika.

Mapeza anoti danho rekuti vanhu vambomira kufamba-famba vachigara mudzimba rakakosha zvikuru uye vanhu vanotofanirwa kutevedzera kuti chirwere ichi chisaipararire.

“Zvatingatoita sevanhu venyika ino kutevedzera danho rakatorwa neHurumende ndiko kuti tisapinde panjodzi uye tisabatwe nechirwere ichi. Tange tisina kumbojarira zveCovid-19 isu, zvakangofanana nepanoitika kundengendeka kwenyika, munenge musingambozvitarisira. Saka kutongotevedzera matanho anodiwa zvinoita kuti vanhu tichengetedzeke,” anodaro Mapeza.

Anoenderera achiti zvikwata zvenhabvu zvemuno zvinotofanirwa kushinga panguva ino nekuti mitambo paisiri kutambwa saizvozvi zvinogona kuvaremera kubhadhara vatambi.

“Zvikwata zvemuno ndinozvinzwira tsitsi panguva ino, zvinenge zvichitarisirwa kubhadhara vatambi vazvo asi pasina mari iri kuuya kwavari sezvo vanozvitsigira vasiri kuunza mari.

“Kune dzimwe nyika, mari dzevatambi dziri kutodamburwa nepakati kuitira kuti zvikwata zvisadonhe pasi.”

Mapeza anoti pari zvino ari muno muZimbabwe zvichitevera kusiya basa kwaakaita kuchikwata cheChippa United chekuSouth Africa nguva pfupi yadarika.

Anoti haafunge kuti nhabvu ichatanga nekukasika kudzimara pasisina kana munhu anonzi ane coronavirus.

“Kusvika pasisina ane chirwere ichi, ini handione nhabvu inotambwa. Nekuti kana vaviri chaivo vakaramba vaine chirwere ichi, vakangoenda panzvimbo yakaita sekuMbare vanotapurira vamwe choguma chibata vanhu vakawanda,” akadaro.

 

Share This:

Sponsored Links