‘Covid-19 yativhurira mukana’

17 Nov, 2021 - 16:11 0 Views
‘Covid-19 yativhurira mukana’

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VAGARI vakakomberedza purazi reDrummond kana kuti Hunyani Estate kuLydiate, kuNorton vobatsirwa nekupinzwa mabasa akasiyana-siyana zvichitevera matambudziko akaunzwa nedenda reCovid-19 mukati memakore maviri akadarika.

VaChamunorwa Zhanero (39) vanova maneja papurazi iri vanoti kubva mugore ra2020 kusvika pari zvino, vari kubatsirana neruzhinji rwakakomberedza purazi ravo nekuvapinza mabasa kuti vakwanise kuwana raramo.

“Purazi redu kubudirira kwaro kuda kwevanhu vakatikomberedza vanobva kuNorton uyewo kuLydiate nekumwe kwakasiyana. Tagara tichidyidzana nevanhu ava kubva kare saka nekuona kuti mhuri zhinji dzakatarisana nekutambura kwakaunzwa nechirwere cheCovid-19, takazowedzera huwandu hwevanhu vatinopinnza mabasa kuti vabatsirikane,” vanodaro VaZhanero.

Vanoti mushure mekushanyirwa nevakuru venzvimbo dzakakomberedza vachichema-chema nekuda kwedambudziko iri, vakaona zvakakosha kuti vapinze vanhu vakawanda mabasa.

Purazi iri rinoita mabasa anosanganisira kurima chibage, fodya uyewo kupfuya huku, nguruve nemombe.

“Takawedzera mabasa edu pano papurazi ndokuzowedzerawo vashandi vedu vatinotora kuNorton nenzvimbo dzakakomberedza. Vashandi vedu vanogara vari pabasa nguva dzose vanokwana mazana mashanu asi tichisanganisira nevanouya nekuwanda kuri kuita basa redu vanogona kudarika chiuru panguva imwe chete,” vanodaro VaZhanero.

Vanoti vanhu vavari kupinza mabasa vanoenzanisa kuti madzimai, varume uyewo nevechidiki.

“Tine hutungamiri hwatinoshanda naho avo vanosarudzawo madzimai anova shirikadzi nevana nherera vatinopinza mabasa nekuti vanhu ava ndivo vakanyanya kurwadziwa nekuda kwedambudziko rakaunzwa nedenda reCovid-19 ,” vanodaro VaZhanero.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tinobatsirawo zvakare vashandi vedu kubhadharira vana mari yechikoro uye vaye vanenge vakunda muzvidzidzo zvavo tinotsvagawo kwekuti vaenderere mberi nedzidzo kuzvikoro zvepamusoro. Munyaya dzekurwisa Covid-19, vashandi vedu vose takavapa mamasiki nemasanitisers uye pose pavanopinda mukambani vanozora nekugezawo maoko nemvura inochururuka ine sipo.”

Vanoti vakadzika mutemo wekuti vashandi vavo vose vanofanirwa kubaiwa nhomba dzekudzivirira denda reCovid-19.

“Vashandi vedu vose vakabaiwa nhomba majekiseni ose ari maviri ekudzivirira denda reCovid-19 . Senzira yekuchengetedza mitemo ine chekuita neCovid-19, vashandi vedu vanoshanda vakatarangana zvakare,” vanodaro VaZhanero.

Share This:

Sponsored Links