COVID-19 yave muno

16 Apr, 2020 - 00:04 0 Views
COVID-19 yave muno

Kwayedza

Patrick Shamba Mupepeti
VANHU vavhenekwa muZimbabwe vakawanikwa vaine coronavirus — utachiona hunokonzeresa chirwere cheCovid-19 — vasvika 18.

Nemusi weChipiri svondo rino, bazi rezveutano nekurerwa kwevana rakazivisa kuti musi uyu, veNational Microbiology Reference Laboratory vakavheneka vanhu 53 apo mumwe chete wavo akawanikwa aine Covid-19.

Zvakabuda musi uyu zvakabva zvasvitsa huwandu hwevanhu vavhenekwa muno vakawanikwa vaine Covid-19 pavanhu 18.

Pavanhu ivava, vatatu vavo — vose varume — vakatoshaya.

Munhu wekupedzesera kuwanikwa aine denda rapararira pasi rose iri ainge asati aziviswa kuti munhuyi panguva dzakadhindwa nyaya ino asi zvinoratidza kuti ndewe muHarare.

Bazi rezveutano rinoti muHarare mava nevanhu vasere (8) vavhenekwa ndokuwanikwa vaine Covid-19, kuBulawayo kune vashanu (5), vamwe vana (4) ndeve kuMashonaland East kuchiti mumwe chete ari kuMatabeleland North.

“Nhasi (nemusi weChipiri), National Microbiology Reference Laboratory yaongorora vanhu 53 apo mumwe chete wavo awanikwa aine Covid-19. Zvakawanda zvichaziviswa.

“Nekune rimwe divi, National TB Reference Laboratory iyo iri kuBulawayo yaongororawo vanhu vasere avo vose vawanikwa vasina Covid-19.

“Naizvozvo, Zimbabwe yava nevanhu 18 avo vawanikwa vaine Covid-19, kusanganisira vatatu vakashaya,” rinodaro bazi iri.

Kubva musi wa20 Kurume apo paonekwa munhu wekutanga aine Covid-19 muZimbabwe — murume anova mugari wekuVictoria Falls — zvinoratidza kuti chirwere ichi chave muno zvedi nekuti huwandu hwevarwere vanacho huri kukwira.

Nechinangwa chekuda kuderedza kutapurirana nekutekeshera kweCovid-19 muZimbabwe, Hurumende yakatora danho rekuti kubva musi wa30 Kurume, vanhu vose – kusara kweavo vanoita mabasa akakoshesesa – vambogara kudzimba uye vasingafambe-fambe kwemazuva 21.

Zvisinei, kune vamwe vari kusungwa nemapurisa mushure mekuwanikwa vachityora mirawo ine chekuita nekuti vanhu vambogara kudzimba.

Coronavirus yakatanga kuonekwa kunyika yeChina pakupera kwegore ra2019 asi kubva ipapo, chirwere ichi chapararira pasi rose.

Zvimwe zvezviratidzo zveCovid-19 zvinosanganisira kupisa muviri, maronda pahuro, kuzarirwa munhu achiburitsa gararwa rakakora uye achirwadziwa nemuchipfuva, nekupera simba pakati pezvimwe.

Nyanzvi dzezveutano dzinoti coronavirus inokwanisa kudzivirirwa nekunge vanhu vagara mudzimba kwenguva inenge yatarwa, kuvhara muromo nemhuno netishu pakukosora, kugeza maoko nesipo nemvura inomhanya, vanhu kusava pedyo nepedyo nguva dzose uye kusiyana netsika yekubata kumeso nemaoko anenge asina kugezwa zvekuchena.

Hurumende yakatotora matanho ekuti vanhu vanosvika 40 000 vange vavhenekwa Covid-19 kusvika panozopera mwedzi uno.

Izvi zvichabatsirwa nekuti kumatunhu ose enyika kwava kuongororwa vanhu vane chirwere ichi.

Makiriniki nezvipatara zvekumaruwa zvava kuzova nepekubatsira varwere vechirwere chabata chipo chemamiriyoni maviri evanhu nekuuraya vamwe mazana ezviuru pasi rose ichi.

Bazi rezveutano nekurerwa kwevana rinokurudzira veruzhinji kuti varidze nhare dzemahara dzinoti 2019 kana vaine zvavanoda kutaura kana kuziva pamusoro peCovid-19.

Share This:

Sponsored Links