‘Covid ichiripo pakati pedu’

01 Jun, 2021 - 16:06 0 Views
‘Covid ichiripo  pakati pedu’

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUMIRIRI weMhondoro-Mubaira mudare reNational Assembly, Cde Freddy Kapuya, vanokurudzira veruzhinji kuti vasavarairwe panyaya yekutevedzera mitemo yekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Vachitaura panyaradzo yaMambo Nyamweda – VaClaudious Mandaza – vekuMhondoro avo vakashaika munguva pfupi yadarika mushure mekurwara, nemusi weMugovera wakadarika, Cde Kapuya vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vazvidzivirire kubva kuchirwere ichi.

“Takaungana pano tichinyaradzana nekuda kwekurasikirwa uko takaitwa naMmbo Nyamweda. Asi zvakadaro, iyambiro yangu saMP kuonesana kuti chirwere cheCovid-19 chiripo pakati pedu, hachisati chapera saka ngatitevedzei zvose zvinodiwa,” vanodaro Cde Kapuya.

Vanoti veruzhinji vanofanirwa kupfeka mamasiki nemazvo kwete kuarembedza pachirebvu.

“Pose patiri ngatizvishambidzei maoko nemvura yakachena tichishandisa sipo uye tichizorawo mishonga iya inonzi masanitisers. Sevatungamiri, tagara tichingoparidza kugara vanhu vakaita daranganwa vorega kukwira dzimotokari vakaita chitsokotsoko uye mudzinhamo tinoendawo tichitevedza zvose zvinokurudzirwa,” vanodaro Cde Kapuya.

Vanoti dambudziko guru nderekuti patsika dzechivanhu, zvinoonekwa sekutsvinya kana vanhu vakarega kumhoresana vachibatana chishanu izvo zvisiri kutenderwa pasi pemitemo yekurwisa kupararira kwechirwere ichi.

“Tichitevedza mitemo yesangano reWorld Health Organisation (WHO), kukwazisana chaiko hakusi kubvumirwa kana kubatana maoko mudzinhamo. Hakusi kutsvinya kuita izvi saka ingouchiranai muri kure nekure kwete kumbundirana pakuchema paye kana mukufara nekuti zvose izvi zvinokwanisa kuparadzira Covid-19,” vanodaro Cde Kapuya.

Vanoti vari kubatsira mudunhu reMhondoro-Mubaira nekucheresa zvibhorani zvitsva nekuvandudza zvitsaru senzira yekurwisa kupararira kweCovid-19.

“Tine zvibhorani zvitsva zvatiri kucheresa tichibatsirwa nekanzuru yedu yeChegutu Rural neHurumende uyewo isu tichiisawo ruoko rwedu ipapo. Vanhu vakawana mvura yakachena zvinoita nyore kuti titevedze hutsanana hunokurudzirwa. Zvibhorani izvi zviri kucherwa munzvimbo dzemataundishipi, muzvikoro nemumisha uyewo tichigadzirisawo zvagara zviriko,” vanodaro Cde Kapuya.

Vanoti rimwe danho ravari kutora pakurwisa chirwere ichi kugadzirisa migwagwa inoenda kumakiriniki emudunhu iri kuti vezveutano vakwanise kufamba nenguva vachiita basa ravo.

Pamusoro pezvo, Cde Kapuya vanoti vari kubatsira vechidiki muzvirongwa zvemabasa emaoko nedonzvo rekuti vawane raramo.

“Tine mabasa evechidiki atakavamba muno muMhondoro-Mubaira anosanganisira kupfuya nguruve nehuku, kurima mapindu, kuveza nekunama. Tiri kuita mabhindauko aya kuti vechidiki vawane chekurarama nacho vorega kurwadziwa zvakanyanya nematambudziko akaunzwa neCovid-19,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links