‘Covid inogona kunyukazve’

08 Apr, 2021 - 12:04 0 Views
‘Covid inogona  kunyukazve’ Asst Comm Nyathi

Kwayedza

Munyori weKwayedza

KUFARISA uye maitiro asina hanya nekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 izvo zvakaitwa nevamwe vanhu panguva yezororo rePasika richangodarika zvinonzi zvine njodzi huru yekukonzera kunyuka kechitatu kwedenda iri, zvikuru kana pachitarirswa kuti kune vamwe vemabhawa nenzvimbo dzekutandarira husiku (night clubs) vari kuvhura zvisiri pamutemo.

Ongororo yakaitwa neKwayedza kunzvimbo dzinosanganisira Harare, Bulawayo, Domboshava nekwaMusana, kuBindura, inoratidza kuti vemabhawa vakawanda nevemanight club vainge vakavhura achishandisa nzira dzechitsotsi panguva yezororo iri.

Vazhinji vemabhizimisi aya vairatidzika sevakavhara asi doro richitengeswa nerweseri.

Pasi pemitemo yekurwisa Covid-19, mabhawa nedzimwe nzvimbo dzekutandarira munguva yehusiku hazvisati zvave kutenderwa kuvhurwa.

Kune vamwe vanhu zvakare vasiri kutevedza mutemo wenguva dzakatarwa dzekuti veruzhinji havatenderwe kufamba kubva na10 dzehusiku kusvika 5:30 dzemangwanani.

Vakafanobata chigaro chemukuru wezveutano kuBulawayo, Dr Welcome Mlilo vanoti munyika pamwe nemuguta ravo muchiri nenyaya dzevanhu vane Covid-19 nekudaro maitiro asina hanya maringe nekudzivirira kupararira kwechirwere ichi ane njodzi yekuti chinogona kupararira zvakanyanya.

“Tichiri nevanhu vane Covid-19 munyika nemuBulawayo zvakare. Kana tichiri nenyaya dzevanhu vane denda iri, njodzi yekunyuka ketatu kwechirwere ichi inoramba iripo. Kana izvi zvikabatana nekusatevedzwa kuri kuitwa mitemo yakatarwa yekurwisa Covid-19, zvinoreva chete kuti hatizi kure zvakanyanya nekunyuka kwechirwere ichi ketatu,” vanodaro Dr Mlilo.

Vanoti hazvina huchenjeri kuti veruzhinji vaite katsika kane njodzi kekuti vanogona kutapurirwa Covid-19 uye zvakakosha kuti vadzidze kune zvakaitika kare maringe nedenda iri.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti vemabhawa nevemanight club vari kutyora mutemo vachivhura mabhizimisi avo zvisiri pamutemo vacharasikirwa nemarezinesi avo.

Vanokurudzira veruzhinji kuti vamhan’arire vemabhawa vari kutyora mutemo wekurwisana neCovid-19.

“Vemabhizimisi vakatyora mutemo panguva yezororo reEaster muHarare, Bulawayo, Gweru, Mutare nekune mamwe madhorobha vari kurangwa nemutemo.

“Mapurisa achaona kuti marezinesi avo atorwa uye opihwa kumapazi akakodzera eHurumende kuti varangwe zvinoenderana nemhosva dzavo.

“Mapurisa achazivisa huwandu hwevachasungwa pasi pechirongwa ichi nekufamba kwenguva,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>