‘Covid itsva injodzi huru’

21 May, 2021 - 17:05 0 Views
‘Covid itsva  injodzi huru’ Prof Ngwenya

Kwayedza

Munyori weKwayedza

NYANZVI yezveutano, Professor Solwayo Ngwenya, vanoti zvichitevera kunyuka kwemhando itsva yechirwere cheCovid-19 muZimbabwe iyo inodaidzwa nekuti B.1. 617 uye inopararira nekukasika, zvakosha kuti pave nemushandirapamwe wekurwisa denda iri naizvozvo veruzhinji vanofanirwa kutevedzera matanho ose akatarwa ekudzivirira kupararira kwaro.

Prof Ngwenya vanoti vanhu vose, kusanganisira vakabaiwa majekiseni ekudzivirira Covid-19, vari panjodzi yekutapurirwa chirwere ichi nekudaro veruzhinji vanofanirwa kugara vakapfeka mamasiki, kugeza maoko nemvura ine sipo kana kushandisa sanitizer uye kusaita chitsokotsoko.

“Takatarisana nenguva yakaona zvikuru senyika sezvo mhando itsva yechirwere ichi yapinda muZimbabwe,” vanodaro.

Prof Ngwenya vanoti njodzi huru iripo ndeyekuti chirwere ichi chasanduka kubva pane zvachakange chiri pakutanga zvinoreva kuti chinotapuriranwa nekukasika.

“Iye zvino chave nenjodzi huru nekuti chasanduka zvachaive pakutanga uye chinotapuriranwa chimbi-chimbi zvinoreva kuti tose tinofanirwa kubatana senyika kuitira kuti chisapararire,” vanodaro.

Prof Ngwenya vanoti vanhu vakawanda pari zvino vavarairwa panyaya yekusapfeka mamasiki nekuita chitsokotsoko asi zvakakosha kuti veruzhinji vasandure maitiro avo zvichitevera kunyuka kwemhando itsva yeCovid-19 iyi.

Vanokurudzira Hurumende kuti isimbaradze matanho ekurwisa kupararira kwedenda iri munzvimbo dzinoungana vanhu dzinosanganisira parufu, muzvikoro nekumachechi.

“Hatifanirwe zvachose kutendera kuti tisvike panguva iyo tinokurirwa nedambudziko iri. Tinofanirwa kusandura maitiro atange tichiita panyaya yekudzivirira Covid-19. Chirwere ichi ndechechokwadi uye tinogona kupera nechakapedza mbudzi kana tikaramba tichivarairwa,” vanodaro.

Prof Ngwenya vanoenderera mberi vachiti, “Vanhu havachapfeka mamasiki uye izvi zvine njodzi huru sezvo zvichipa mukana wekuti chirwere ichi chipararire.”

Mashoko avo anotsinhirwa nesangano reWomen’s Coalition of Zimbabwe iro riri kukurudzira veruzhinji kuti vasavarairwe panyaya yekurwisa Covid-19.

“Ongororo yatinogara tichiita inoratidza kuti vanhu munharaunda havasi kupfeka mamasiki nekutevedzera mamwe matanho akatarwa ekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

“Pane kuwanda kwevanhu mumisika yakasiyana nekuzviteshi zvinokwirirwa zvekufambisa apo vanhu vari kuita chitsokotsoko, vasina kupfeka mamasiki zvakanaka mhuno dzakabuda kunze uye dzimwe nguva mamasiki aya akarambedzwa pazvirebvu,” rinodaro sangano iri muchinyorwa.

Hurumende yakazivisa nezvekunyuka kwemhando itsva yechirwere cheCovid-19 kuKwekwe, iyo yakatangira kunyika yeIndia.

Mutevedzeri wemutungamiriri wenyika Vice President Constantino Chiwenga, avo vanove zvakare gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, vanokurudzira veruzhinji kuti varambe vachitevedzera matanho akatarwa ekudzivirira kupararira kwedenda iri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>