Uncategorized

Covid itsva yadzivirirwa

27 May, 2021 - 16:05 0 Views
Covid itsva yadzivirirwa VP Chiwenga

Kwayedza

Mukudzei Chingwere

MHANDO itsva yechirwere cheCovid-19 inodaidzwa nekuti B.1. 617 – iyo yakatangira kunyika yeIndia uye inopararira nekukasika zvekare yakanyuka kuKwekwe – yakwanisa kudzivirirwa kuti isarambe ichipararira sezvo pasina vamwe vanhu vakabatwa nedenda iri kubva svondo radarika.

Hurumende yakasimbaradza matanho ekudzivirira kupararira kwechirwere ichi zvichitevera ongororo yakaitwa iyo yairatidza kuti Covid-19 yerudzi urwu yakanyuka kuKwekwe.

Matanho aya anosanganisira kuvepo kwechirongwa chisingatendere vanhu vemuKwekwe kufamba-famba zvisina tsarukano (lockdown) uye nekuona kuti vane chirwere ichi vagariswa kunzvimbo dzavo voga.
Zimbabwe kusvika pari zvino yakwanisa kudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 kuburikidza nematanho akasimba ari kutorwa neHurumende ichibatsirana nemapoka akasiyana.

Imwe nyanzvi yekubazi rezveutano nekurerwa kwevana inove zvakare chipangamazano kuHurumende pamusoro peCovid-19, Dr Raiva Simbi vanokurudzira veruzhinji kuti vasavhunduke sezvo mhando itsva yedenda iri yakwanisa kudzivirirwa kuti isarambe ichipararira.
“Hapana chikonzero chekuvhunduka, vanhu vanofanirwa kutevedzera matanho akatarwa ekudzivirira Covid-19 uye tinokunda muhondo iyi,” vanodaro.
“Sezvakataurwa naVice President (Dr Constantino Chiwenga), tinokwanisa kuita ongororo yekuti tizive mhando yechirwere chinenge chiri munyika.
“Mhando yeB.1. 617 inonyanya kuzivikanwa nekunzi Indian variant yakwaniswa kumiswa kuti isapararire muZimbabwe, tichiri kuita imwe ongororo asi zvakabuda pari zvino zvinoratidza kuti takwanisa kumisa chirwere ichi kuti chisapararire,” vanodaro Dr Simbi.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tine umbowo hunoratidza kuti mamiriro ezvinhu akadzikama nekuti hatina nyaya itsva dzevanhu vabatwa nedenda iri. Pange paine kutyira kuti mhando itsva yechirwere ichi inogona kupararira nenyika, asi matanho ekukasika akatorwa neHurumende ekudzivisa vanhu kuti vasafambe zvisina tsarukano munzvimbo yakanyuka denda iri abatsira zvikuru mukudzivirira kuti risapararire.
“Asi yambiro yedu kune veruzhinji ndeyekuti vanofanirwa kutevedza matanho akatarwa ekurwisa kupararira kweCovid-19.”

Dr Simbi vanokurudzira vanhu vasati vabaiwa majekiseni enhomba yeCovid-19 kuti vabaiwe senzira yekuzvidzivirira.
VP Chiwenga, avo vanove zvakare gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, vari kugara vachikurudzira veruzhinji kuti vabaiwe majekiseni ekudzivirira Covid-19 uye kuti vasavarairwe panyaya yekutevedzera matanho ekurwisa chirwere ichi.

Vachitaura pagungano re74th World Health Assembly iro rakaitwa kuburikidza nedandemutande, VP Chiwenga vanoti kusimudzirwa kwenyaya dzeutano uye kuvepo kwematanho akasimba ekudzivirira kupararira kweCovid-19 zvabatsira zvikuru mukurwisa chirwere ichochi.

Zimbabwe iri kurumbidzwa zvakanyanya nesangano rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisation (WHO) pamwe neChina – uko kwakatanga kunyuka Covid-19 – nekuda kwebasa guru rairi kuita mukudzivirira kupararira kwedenda iri.

Share This:

Sponsored Links