Covid yakanganisa vanhu vakaremara

27 Mar, 2022 - 17:03 0 Views
Covid yakanganisa  vanhu vakaremara Linda Bvuma pamusika

Kwayedza

Kingstone Mapupu

CHIRWERE cheCovid-19 chadzosera kumashure zvakanyanya raramo yevanhu vakawanda, zvikuru vakaremara mitezo avo vanopona nemabhindauko akadai sekutengesa zvinhu zvakasiyana.

Kwayedza inoita hurukuro nemumwe musikana ane hurema uyo anogara kuGlen Norah A Extension, muguta reHarare uyo anorarama nekutengesa zvinhu pamusika uri panzvimbo yemabhizimisi yeChitubu.

Linda Bvuma (26), uyo anogara pamba pevabereki vake uye anofamba newiricheya, anoti upenyu hwamuomera kubvira pakanyuka Covid-19 muno munaKurume 2020.

“Upenyu hwangu hwandiomera. Denda reCovid-19 risati ravako, kune vanhu vaimbondibatsira avo vave kuzvitadza nekuda kwekudzoserwa kwakaitwa mamiriro ezvinhu kumashure nechirwere ichi. Amai vangu vanorwara, havagone kundishandira uyewo baba vangu vakarega basa. Saka ndinoita zvekutengesa pamusiwo webhawa kuno kuChitubu,” anodaro Bvuma.

Musikana uyu, uyo anova wechina mumba mavo mune vana vashanu, anoti vabereki vake vane vamwe vana vavanoriritira zvinovaomera kuti vakwanisewo kumubatsira zvizere.

“Musika wangu unondinetsa kushandisa sezvo kumba kwandinogara kure nenzvimbo yandinoshandira. Hanzvadzi yangu inonditakurira zvinhu zvekutengesa izvi kubva kumba nebhara kunosvika kwandinotengesera uyewo nekuzonditora kumanheru.

“Ndinotengesa zvinhu zvinosanganisira fodya, majiggies, maputi, mahewu, matomatisi nezvimwewo. Asi nekuwanda kwatakaita tinotengesa, kutengerwa kwacho kushoma,” anodaro Bvuma.

Anoti mari yaanoshandira ndeyake chete sezvo asina mwana kana murume.

“Nzvimbo yandinotengesera zvakare haina kuita zvakanaka, ndakangovakirwa zvimapuranga nehanzvadzi yangu ndokuisa purasitiki pamusoro uye nekuda kwenzara ndinoguma zvakare ndava kudya zvandinotengesa izvi,” anodaro.

Bvuma anokumbira veruzhinji kuti abatsirwewo nekuvamba bhizimisi rinoita kuti asafambe achienda kure rakaita setakishopu pamba pavo sezvo achifamba newiricheya.

“Dai vanhu vakandibatsirawo nekundivakira takishopu kana kundihodhera mbatya ndichitengesa ndiri pamba, kana rimwewo bhizimisi risingade kushandisa simba rakawanda nekuti ini muviri wangu hauna simba. Pano ndinotengerwa nevanhu vanondinzwira tsitsi nemamiriro akaita mitezo yangu uyewo ndinoda kugara ndichienda kunoita mitambo yekusimbisa miviri izvo ndisingakwanise nekuti handina mari,” anodaro Bvuma.

Anoti akaenda kuzvikoro zvevanhu vane mitezo yakaremana nekudaro anogona kunyora nekuverenga.

Kune vanoda kubatsira Bvuma, vanomubata panhare dzinoti 0772 615 050 kana 0776 140 132.

Amai vake, Mai Calista Manheya (58), vanoti vane dambudziko guru nemwana wavo uyu nekuda kwemamiriro akaita mitezo yake sezvo asina simba muviri wose.

“Ini ndinorwara, babawo havanzwe mushe uyewo vakarega basa. Nekuda kwekuti Linda ane zvaanoda, akaguma avamba musika wake uyu tikamboedza kumurambidza nemamiriro emitezo yake asi akaita nharo. Anorwara zvakare anofambwa nezvinhu muviri wake zvisingaonekwe zvinomuruma zvekuti anochema husiku hwese,” vanodaro Mai Manheya.

Bvuma anotsinhira kuti pane zvinhu zvisingaonekwe zvinomuruma munguva yemanheru.

“Ndinorumwa nezvinhu zvandisingaone muviri wose zvekuti amai vanomuka ndichizhamba kuchema vogara neni,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links