‘Covid yatisiya tava munzara’

20 Dec, 2021 - 17:12 0 Views
‘Covid yatisiya  tava munzara’

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

KUNYUKA kwechirwere cheCovid-19 kunonzi kwakanganisa zvikuru mabasa evanhu vanorarama nekutengesa muviri sezvo makasitoma mazhinji ava kutyira kure.

Kwayedza inokurukura nevamwe vanoita mabasa ekutengesa muviri kuKariba, Venice Mine kuKadoma nekuBulawayo.

“Chatiri kutsvaga imari, zvino kana vanhu vacho vanenge vaine mari vava kuhwanda mudzimba nekumabasa kwavo vachitya kutapurirwa chirwere cheCovid-19 zvinoreva kuti isu tava kuzofa nenzara. Handina rimwe basa randichakwanisa kuita kunze kwekutengesa muviri nekuti ndizvo zvinhu zvandatojaira kuita.

“Chandiri kuona ndechekuti varume vava kutotya Covid-19 kudarika HIV nekuti vamwe pavanouya kwatiri vanoti vanoda kusangana nesu pasina dziviriro zvisinei nekuti tinenge tavaudza kuti tiri kurarama neHIV. Ini kutaura kuno ndave nemakore 22 ndichitengesa muviri uye handizvinyare nekuti ndatova ambuya vane vazukuru nevaroora uye vese vanoziva kuti mbuya ndiro basa ravo,” anodaro Emily Chinake (52) wekuKariba.

Anoenderera mberi: “Basa iri ndinonzwa ndakasununguka asi rinorwadza zvisinei zvichiita sezvinonakidza. Ndine vamwe vana vari kutoita makosi emabasa avo.

“Ndinoenda kubhawa ndichinyepera kutengesa zvinhu semaputi kana nzungu asi ‘mushikashika’ wandinenge ndiri kumhanya nawo ndichiuziva uye mamwe emakasitoma angu vava kundiziva. Kuvharwa kwemamwe mabhawa nekuda kweCovid-19 kwave kutisiya panguva yakaoma nekuti ndiko kwataiwanira makasitoma edu, zvino kana tikada kumira pazvimwe zvikona husiku mapurisa anotisunga nemhosva yekufamba nguva dzisingatenderwe.”

Chanake anoti akatanga kutengesa muviri mushure mekufirwa nemurume wake.

“Tinotenda sangano reNational AIDS Council (NAC) uye nerinorwirwa kodzero dzedu isu vanotengesa muviri reCentre for Sexual Health and HIV/AIDS Research Zimbabwe (CeSHHAR Zimbabwe) rinova rinotibatsira nevarapi avo vanotivheneka nekutirapa zvirwere zvepabonde pamwe nekutipa mishonga yePREP. Kunyangwe munguva yelockdown yekutanga, vaitibatsira zvakanyanya nekuti kune zvimwe zvipatara kwainge kusingapindiki sezvo nyika yakanga yava kungotarisana nedenda reCovid-19 vachikangawa isu kuti basa reduwo harina zororo uye tiri panyatwawo yekutapurirwa Covid-19,” anodaro.

Chinake anoti zvekutengesa muviri hazvina zera nekudaro iye anongosangana nevanhu vemazera ose.

“Basa redu harina zera, ndiri munhu ane mhuri saka chero auya aine mari yake ini handibvunze makore emunhu. Hakuna munhu angauya achida kubhadhara iye asingazive zvinoitwa kuno. Vamwe vedu vatori nemavanga ekuchekwa nemapanga nemakorokoza, vamwe kutotorerwa mari yavanenge vanayo nekuti vamwe vanenge vari matsotsi,” anodaro.

Chinake anokurudzira vamwe vari mubasa iri kuti vashandise dziviriro kuitira kuti HIV nezvimwe zvirwere zvepabonde zviderere.

“Ini ndatova nemakore gumi nemaviri ndichitora mishonga yangu yemaAnti-Retroviral Drugs mushure mekuvhenekwa nesangano reCesHHAR ndikaonekwa ndiine HIV. Ndiko kusaka ndiri kuramba ndakagwinya nekuti handikanganwe nguva dzekutora mishonga.

“Vamwe vandaishanda navo vakatoshaya nekuda kwekusava nehanya yekutora mishonga yavo uye vaitapurira vamwe ivo vachitutsirwawo hutachiona (re-infection),” anodaro.

Mukuru wesangano reCentre for Sexual Health and HIV-AIDS Research Zimbabwe iro rinoshanda neNational Aids Council kurapa zvirwere zvepabonde, Muzvari Joyce Mazaiwana, vanoti varume vechidiki vave kutengesawo muviri kumadzimai echikuru vari kuwanda.

Muzvare Mazaiwana vanoti sangano ravo rave nenhengo 500 dzemadzimai anorarama nekutengesa muviri munzvimbo yeKariba nekumuganhu weChirundu.

Elizabeth (40) wekuVenice Mine anoti akatanga kuita mabasa ekutengesa muviri aine makore 17 ekuberekwa mushure mekumitiswa achiri kuita Fomu 3.

“Vabereki vangu vose vakashaya saka ndakarerwa nanasekuru asi nenhau yekuti vaisandibata zvakanaka, ndakapedzisira ndava kutengesa muviri kuti ndikwanise kuriritira mwana wangu. Ndakazomboroorwa asi hazvina kufamba zvakanaka ndichibva ndasiiwa ndine vana vaviri kureva kuti vose vava vatatu.

“Ndakabva ndadzokera mubasa rekutengesa muviri asi handigari mudunhu rimwe nokuti ndinogona kukwira gonyeti ndoguma ndava kubhodha reZambia, kana muno muBulawayo mamandiwana ndiri, ndoenda kuVenice Mine kana kuchinge kwaita mari. Handina hangu nzvimbo yakati tsvere, zuva nezuva ndinodokerwa ndava pane imwe nzvimbo nekuti chandinoda imari yekuriritira vana,” anodaro.

Anoti anotova nevana vari kumayunivhesiti uye akavaka imba kumusha kwake, akatengawo mombe nemadhongi kuburikidza nebasa iri.

Nokuthula (45) wekuBulawayo anoti anongozorawo mishonga yemasanitizer mushure mekutambidzwa mari nekuonawo kuti varume vanomukecha vanoenda naye kumahotera kana kumba kwake pachinzvimbo chekupinda mune mamwe maloji ayo anopindwa neveruzhinji senzira yekuderedza mikana yekutapurirwa Covid-19.

“Pazuva ndinogona kufadza varume vanomwe, asi vose panenge pasina rudo chairwo rwepamwoyo. Ibasa rekutsvaga mari uye handidi zvekuroorwa . . . ndinayo shamwarirume yandinogara nayo,” anodaro.

Tinashe (30) anoti anotengesa muviri kumadzimai akafirwa kunyanya uye mamwe echidiki anenge achiti haasi kufadzwa kudzimba, kusanganisira vamwe vane varume vakachonera kunze kwenyika.

“Tawanda varume vanoita izvi zvisinei nekuti vanhu vakawanda vanofunga kuti kutengesa muviri kunoitwa nevanhukadzi bedzi. Hongu, mudzimai nevana ndinavo asi ndinotoita izvi kuti ndirarame nekuti basa randinoita harisi kundipa mari inokwanirana nezvandinoda muupenyu.

“Ndinotorevawo muripo wandinoda saka vanenge vagutsikana neni vanogona kundiripa nemari yakawanda nekuti ndiri munhu akaroora nekudaro ndinoziva mabatirwo akanaka emadzimai,” anodaro.

Zvichakadai, mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi vanoti nyika ino haisati yava nemitemo inobvumidza vanhu kuti vatengese muviri zvekuti vanobatwa vachiita izvi, vanosungwa sezvo iri mhosva.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>