Covid yauraya 97 musvondo

01 Jul, 2021 - 14:07 0 Views
Covid yauraya 97 musvondo

Kwayedza

Munyori weKwayedza

VANHU 97 vafa nekuda kwechirwere cheCovid-19 mukati memazuva manomwe – kubva nemusi weChina svondo rapera kusvika neChitatu svondo rino – izvo zvabva zvakwidza huwandu hwevarwere vashaya nedenda iri kubva parakatanga muZimbabwe kuenda pavanhu 1 789 pazopera mwedzi waChikunguru.

Covid-19 yakabatwa pamunhu wekutanga muno, mugari wekuVictoria Falls, mumwedzi waKurume 2020.
Nemusi weChitatu svondo rino, varwere 28 vakashaya, vamwe 1 331 ndokuwanikwa vaine Covid-19 zuva iri bedzi.
Ongororo yeKwayedza inoratidza kuti vanhu 97 vashaya neCovid-19 mukati mesvondo rimwe chete ratanga nemusi weChina svondo rapera kusvika neChitatu svondo rino apo pashaya varwere 28 muzuva rimwe chete.

Mashoko anoburitswa pazuva nebazi rezveutanho nekurerwa kwevana anoratidza kuti nemusi weChitatu chino, vanhu 1 331 vakawanikwa vaine hutachiwana hwecoronavirus uhwo hunokonzera Covid-19 zvichibva zvakwidza huwandu hwevawanikwa vaine denda iri kubva paratanga kuonekwa munyika muno gore rapera kuenda pavanhu 49 864.

“Pavarwere ivava, 39 121 vavo vakatonaya asi vamwe 1 789 vakashaya,” rinodaro bazi iri.
Nechikonzero chekuwanda kuri kuita vanhu vari kubatwa nevari kufa neCovid-19, nemusi weChipiri svondo rino mutungamiri wenyika President Mnangagwa vakazivisa nezvekusimbaradzwa kwematanho akananga kumisa kupararira kwechirwere ichi izvo zvakaita kuti nyika idzokere kuLevel 4 Lockdown.

Nemusi weChina svondo rapera, vanhu 17 vakafa nekuda kweCovid-19 apo vamwe 826 vakawanikwa vaine hutachiona hwedenda iri kuchiti zuva rakatevera racho varwere 12 vakafa uye vamwe 911 vakawanikwa vaine denda irori.

NeMugovera wadarika, vanhu 4 vakashaya nechirwere ichi, vamwe 801 ndokuwanikwa vainacho.
Kuchizoti nemusi weSvondo bedzi, varwere 11 vakashaya, vamwe 424 ndokubatwa vaine Covid-19 mushure mekunge vavhenekwa uye neMuvhuro svondo rino, vamwe 13 vakashaya – 842 ndokuwanikwa vaine coronavirus.

NeChipiri chino, vanhu 12 vakafa neCovid-19, vamwe 1 249 ndokuwanikwa vainayo kuchizoti 28 vechishaya nemusi weChitatu.
Izvi zvinoratidza kuti Zimbabwe yava kurwisa inodaidzwa nekuti “third wave” yechirwere cheCovid-19 sezvo huwandu hwevari kubatwa nacho zvose nevari kufa hwatanga kukwira izvo zvanga zvisiri kuitika.

Zimbabwe yagara ichirumbidzwa nesangano rezveutano repasi rose reWorld Health Organisation (WHO) nemamwe masangano nezvirongwa zvayo zvekurwisa Covid-19 izvo zvaona vanhu vari kubatwa nevari kushaya nekuda kwedenda iri vakaderera kana zvichienzaniswa nedzimwe nyika.
Pasi rose, vanhu 182 miriyoni vabatwa neCovid-19. Pavarwere ivava, 3.95 miriyoni vashaya nekuda kwedenda risati rawanirwa mushonga unorirapa iri.

Kwafa vanhu vakawandisa neCovid-19 kunyika yeUnited States (33.6 miriyoni) ichiteverwa neIndia (30.4 miriyoni), Brazil (18.6 miriyoni), France (5.78 miriyoni) neRussia uko kwafa varwere 5.45 miriyoni.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>