Covid yawondonga – GMAZ

27 Jan, 2021 - 16:01 0 Views
Covid yawondonga – GMAZ VaTafadzwa Musarara

Kwayedza

Oliver Kazunga
CHIRWERE cheCovid-19 chiri kudzosera kumashure mabasa ebudiriro eupfumi hwenyika anosanganisira kufambiswa kwechibage negorosi kubva kunze uko kunonzi kuri kononoka panguva iyo makambani anoona nezvekugaiwa kwezvirimwa izvi ari kutarisira kutenga gorosi kubva kune dzimwe nyika gore rino kuti atutsire pane rinorimwa muno.

Zvichitevera kunyuka kwedenda reCovid-19, nyika dzakasiyana dzakaisa mitemo iri kuona kuderedzwa kwekufamba kwevanhu nezvigadzirwa uye mimwe miganhu yedzimwe nyika yakatovharwa senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Sachigaro wesangano reGrain Millers Association of Zimbabwe (GMAZ), VaTafadzwa Musarara, vanoti chirwere cheCovid-19 chiri kukanganisa kufambiswa kwezvinhu munyika.

“Izvi zviri kukanganisa mafambisirwo echibage negorosi kubva kune dzimwe nyika. Somuenzaniso, Hurumende yeBotswana yakaisa mitemo yakasimbarara zvekuti hazvichakwanisika kuti chibage chinge chichipinda munyika muno. Izvi zvava kuita kuti pamuganhu wenyika weBeitbridge Border Post pagare pakawanda motokari nekunonoka kupinzwa kwechibage muno,” vanodaro.

Munyika muno, vanodaro VaMusarara, kufambiswa kwezvinhu nevanhu kwakaderera zvakare zvichitevera kuvepo kwechirongwa chekurwisa kupararira kweCovid-19 (lockdown).

Pasi pemutemo wekudzivirira kupararira kwedenda iri, veruzhinji havatenderwe kufamba kubva nenguva dza6 husiku kusvika 6 mangwanani.
“Izvi zviri kuderedza kufambiswa kwezvinhu munyika yese,” vanodaro.

Zvichitevera makore mazhinji nyika ino yatarisana nenzara nekuda kwekusanaya kwemvura zvakaringana zvichikonzerwa nekusanduka kwemamiriro ekunze, Zimbabwe iri kutenga chibage negorosi kubva kune dzimwe nyika.

Nyika ino inoda chibage chine huwandu hwematani 1,8 miriyoni pagore kuti chikwanirane nezvinodiwa.

“Tiri kuramba tichitarisira chibage nehuwandu hwacho pagoho remwaka uno zvekuti hatitarisiri kuzotenga kunze kwenyika,” vanodaro.
Izvi zvinotevera kunaya kwemvura zhinji mwaka uno izvo zviri kuita kuti nyika ino itarisire maguta.

VaMusarara vanoti makambani anogaya hupfu nezvimwe zvakasiyana anotarisira kutenga matani 250 000 egorosi gore rino kunze kwenyika kuitira kuti vatutsire pane rinorimwa muZimbabwe.

Zimbabwe inoda matani 400 000 egorosi pagore uye Hurumende inoti ine chinangwa chekurima rakawanda kusanganisira rekuzotengesa kune dzimwe nyika senzira yekuzadzikisa zvinangwa zvayo zvekupedza nzara nehurombo mugore ra2030.

Hurumende yakazivisawo kuti ine chinangwa chekubura mhando dzembeu yegorosi dzakawanda mumwaka wekurima wa2021-2022.
Mumwaka wechando wekurima wegore rapera, varimi vakadyara mahekita 45 000 egorosi vakabura matani 100 000 echirimwa ichi.
Mugore ra2019, varimi vakabura matani 90 000 egorosi pakava nekushomeka kwematani 310 000.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>