Uncategorized

‘Covid yazarura misika yekunze’

13 Oct, 2021 - 09:10 0 Views
‘Covid yazarura  misika yekunze’

Kwayedza

Abel Ndooka

VARIMI vari kukurudzirwa kudyara mbesa dzinosimudzira utano hwevanhu, zvikuru panguva ino yekurwisa chirwere cheCovid-19 uyewo nekuti vatore mukana uyu kutengesa zvirimwa zvavo kunze, izvo zvinounza mari inobatsira zvakanyanya mubudiriro yeZimbabwe.

Kurudziro iyi yakapihwa nenyanzvi munyaya dzetsvakurudzo yemisika yekutengesera zvirimwa zvemuZimbabwe, Dr Richard Kamidza, vachiti zvakakosha kuti varimi nemakambani vaite mushandirapmwe wekutengesa zvinhu kunyika dzinosanganisira dziri kuEurope.

Vachitaura nemusi weMuvhuro pachirongwa chebazi renyaya dzekunze kwenyika nekutengeserana pasi rose vari muguta reHarare, Dr Kamidza vanoti varimi vanofanira kutora mukana wekuvepo kwechibvumirano chakaitwa pakati peZimbabwe neEuropean Union (EU) chekuti vanokwanisa kutengesa zvirimwa zvavo nezvimwe zvinhu kunze.

Vanoti kuuya kwakaita Covid-19 kwaona mamwe makambani emuno achirima zvirimwa zviri kudiwa zvakanyanya kunze panyaya yekusimudzira utano hwevanhu.

“Mamwe makambani emuno akatotanga kuita mari, seTanganda Tea Company iyo iri kurima zumbani ichitengesa kunze kwenyika uko kwariri kufarirwa zvakanyanya.

“Covid-19 iriko uye yakanganisa zvakawanda saka varimi nemakambani ngatizive kurima zvirimwa zvinobatsira kusimudzira utano hweveruzhinji.

“Izvi zvinodiwa chaizvo kunyika dziri muEU saka ndinokurudzira kuti varimi ngavabatane nemakambani makuru anozivikanwa kunze kwenyika vabatsirwe kutengesa zvinhu zvavo zvivaunzire mari.

“Tinosimbisa kuti ngatiite mushandirapamwe mukushanda basa iri tiite mari zvigosimudzira nyika yedu,” vanodaro Dr Kamidza.

Vanoti zvirimwa zvemuZimbabwe zvinodiwa zvakanyanya kumisika yekunze nekuda kwemarimirwo emandorokwati azvinoitwa.

“Kunyika dziri kuEurope, vanoda zvirimwa zvinobva muZimbabwe zvakanyanyisa izvo zvavanoti zvinorimwa nenzira yakanaka (organic). Dzimwe nyika dziri kutotumira zvinhu zvadzo saka isu ngatishandisewo mukana uyu tisatorerwe misika yekutengesera zvirimwa zvedu.

“Kana tikatengesa zvirimwa nezvimwe zvinhu zvedu kunze kwenyika, zvinounza mari munyika iyo inobatsira zvikuru mukuvandudzwa kwezvikoro, zvipatara nezvimwe uyewo nekuvamba mabasa,” vanodaro Dr Kamidza.

Share This:

Sponsored Links