Uncategorized

Cyclone IDAI: RUBATSIRO RWOUYA

29 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
Cyclone IDAI: RUBATSIRO RWOUYA ZVICHITEVERA kuparadzwa kwakaitwa kuManicaland, Masvingo neMashonaland East nedutumupengo Tropical Cyclone Idai, kambani yeInnscor Africa Limited yakabatsira vanhu vakawirwa netsaona iyi apo mukuru weBaker’s Inn Bakeries, VaNgoni Mazango (kuruboshwe) vakagashidza zvekudya, magumbeze, mbatya nematende kugurukota rezvekutongwa kwematunhu, Cde July Moyo (kurudyi) kwaMutare svondo rapera.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
VEMAKAMBANI pamwe chete nevamwe vanhu vakazvimiririra vari kuramba vachiratidza rudo mukubatsira kwavari kuita zviuru nezviuru zvevanhu vakawirwa nenjodzi yemafashamu emvura akaunzwa nedutumupengo reCyclone Idai muZimbabwe, Mozambique nekuMalawi.

Mafashamu aya akanga akaipisisa zvikuru uye akatambudza vanhu vanodarika 1,6 miriyoni munyika dziri kuchamhembe kweAfrica.

Hurumende yeZimbabwe iri mushishi kuongorora nekubatsira veruzhinji vakawirwa netsekwende yemafashamu aya uye mutungamiri wenyika President Mnangagwa vakatobvakachira matunhu anosanganisira Mutare neChimanimani vachinozvionera kuparadzwa kwakaitwa neCyclone Idai.

President Mnangagwa vanovimbisa kuti Hurumende ichaita zvose zvainogone nekukasika nechinangwa chekununura nekurerutsira vagari vekwakaparadzwa nemafashamu aya.

Mutungamiri wenyika vakaonawo vamwe vevanhu vakakuvara nevakaparadzirwa misha, minda nezvipfuyo nemafashamu aya.

Nyika yeUnite Arab Emirates (UAE) yakatumirawo zindege rizere chikafu, mbatya, mishonga yekurapisa nezvimwe zvakawanda kuti zvibatsira vanhu vemuZimbabwe ava.

Tanzania yakaitawo zvimwe chetezvo apo yakatumire ndege izere nerubatsiro.

Kuchiti sangano rinodaidzwa kuti VSO Volunteeers riri kubatsira vanhu vakawirwa nenjodzi iyi muZimbabwe nekuMozambique.

MuZimbabwe, VSO iri kushanda mumatunhu anosanganisira Masvingo mukubatsira kuderedza matambudziko ari kusangana nevanhu zvichitevera kuparadzwa kwakaitwa dzimba nezvipfuyio nemafashamu aya. VaPhilip Goodwin – avo vanova chief executive officer weVSO – vanoti panoda kuzivikanwa huwandu hwevanhu vari vakakanganiswa nemafashamu aya kuitira kuti vawaniswe rubatsiro rwakaringana.

Vanoti zvikoro, zvipatara nemisha zvakaparadzwa munjodzi iyi nokudaro vanhu vachiri kuda rubatsiro rwakasimba. Mamwe mapoka nemakambani ari kubatsira anosanganisira reInternational Commitee of the Red Cross (ICRC), Econet, NetOne, Zimpapers, Innscor Africa Limited nevamwe vakawanda.

Zvichakadai, Mai Elizabeth Kisakye — avo vanova VSO volunteer communications co-ordinator kuMozambique — vanoti vari mushishi kubatsira vanhu vakasangana nenjodzi yemafashamu aya.

“Ndakatarisa chimiro chiripo pari zvino, ndinoona vanhu vazhinji vari kutambura zvakanyanya. Vanhu vane marwadzo epanyama, havachina tariro yeupenyu uye vane nzara. Asi ndinoona pachizova netariro zvichitevera rutsigiro rwuri kubva kumativi akasiyana,” vanodaro.

Vanoti kuMozambique vari kushanda nebazi rinoona nevechidiki nezvemitambo reMozambique National Volunteer Council.

Mai Kisakye vanoti vakwanisa kudzidzisa vatsigiri veVSO vanosvika 750 munyika iyi maringe nenyaya dzekurwisa dambudziko remafashamu pamwe nekuona kuti vanhu vagadzikana mukurarama kwavo kuburikidza nekuwaniswa zveutano, dzidzo nepfuma yavo zvakaringana.

Sangano reVSO — richitsigirwa nereEuropean Union — riri kubatsira nyika 15, kusanganisira Zimbabwe neMozambique, munyaya dzeutano, dzidzo nekusimudzira raramo yevanhu.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>