dambudziko rinouya nekuzvara

14 Jul, 2017 - 00:07 0 Views
dambudziko rinouya nekuzvara

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
MAI Irene Mlambo (67) vekuMushumbi Pools, kwaShe Chipuriro kuDande, ndemumwe wemadzimai aishuvirawo kubata vana mumawoko avo uye vachirarama upenyu hunofadza. Asi izvi zvakakona apo vakasangana nedambudziko rekubvaruka duriro mushure mekuitwa maoparisheni mana pakusununguka.

Vanoti vave nemakore 43 vachijuja weti uye vakaita makore 25 vachingotevera zvisina tsarukano.

Kwayedza nguva pfupi yadarika yakaita hurukuro naMai Mlambo pamwe nemamwe madzimai ane dambudziko rimwe chete iri, rekujuja weti nekuburitsa tsvina zvisina tsarukano, iro rinozivikanwa nekuti Fistula apo vaibatsirwa pachena pachipatara cheChinhoyi Provincial Hospital.

Chirongwa ichi chiri kutsigirwa nesangano reUNFPA Zimbabwe, bazi rezveutano nekurerwa kwevana uye nesangano reWomen and Health Alliance (WAHA).

“Handina chiremerera pane vamwe, handikwanise kana kuenda kurufu kana kuchechi nevamwe nekuti weti inenge ichingobuda yoga ini handitomboinzwi. Izvi zvakatanga pandaisununguka vana vangu vana munguva dzakasiyana, avo vose vakapera kufa uye ndaiitwa zvekuvhiiwa.

“Kana ndikabudirira kusonwa dundiro rangu pano paChinhoyi Hospital, ndinovimba upenyu hwangu hunosanduka,” vanodaro Mai Mlambo.

Vanoti vakaroorwa vaine makore 15 ekuberekwa.

“Vana vandaibereka vaingofa panguva yekusununguka, vamwe vachifira mudumbu. Izvi zvakaita kuti nditakure nhumbu gore negore nekuti ndaidawo kubata mwana mumawoko angu. Saka akazoita kuti ndiremare kudai ndewa1974 apo ndakavhiiwa akabuda ari mupenyu asi ndakasara ndichijuja ropa neweti zvisina magumo. Machiremba echiRungu aiveko panguva iyoyo akandivhiiya vakabva vasiya chigero mudumbu mangu paMvurwi District Hospital,” vanodaro.

Mai Mlambo vanoti mushure meizvi, vakasara vachirwara zvikuru vachibva vazoendeswa kuchipatara cheParirenyatwa Groups of Hospitals uko vakanovhenekwa vakaonekwa chigero mudumbu chichibva chaburitswa.

“Chigero ichocho chakange chave kutoboora dumbu nekuti chakange chagarisa. Ndinotenda sangano reWomen and Health Alliance (WAHA), UNFPA neHurumende nechirongwa chavakaunza chekubatsira madzimai ane dambudziko rekubuda weti netsvina pachena. Ini ndakabatsirwa nomusi wa6 Chikumi saka zvave nani, zvisinei nekuti ndine chubhu yakadonha,” vanodaro.

Mushure mekurapwa, Mai Mlambo vachatora masvondo matatu vari pachipatara ichi vachipora.

Hilda Pembere (24) wekuDotito, kuMt Darwin mumwe ane dambudziko rakafanana neraMai Mlambo.

Anoti akaroorwa aine makore 13 okuberekwa uye chikoro akagumira paGrade 6.

Gracious Mpofu (31) wekuMuganwini, kuBulawayo anotiwo ave nemakore 12 achijuja weti uye ange achisangana nematambudziko ezvekushandisa mukugamha weti iyi.

GRACIOUS MPOFU

“Pamakore 12 azere, ndaishandisa machira ekugamha weti nekuti ndakange ndisina mari yekutenga mapamper. Izvi zvakakozerwa nekuti nhumbu yangu yakarwadza iine mwedzi minomwe ndichibva ndanovhiiwa nekuti mwana akange akachinjika uye akabuda akafa. Ndinongotenda kuti murume wangu haana kunditiza uye vabereki vangu vainditsigira,” anodaro.

Anoti kuMlipo Central Hospital akashandisa mari inodarika $460 achiedza kugadzirisa dambudziko iri asi zvikakundikana.

Kuti munhu arapwe dambudziko iri kumadhokotera emuno, panodiwa mari inodarika $900.

“Ndinotenda Hurumende nemasangano ari kutitsigira pachena nekuti vamwe vanopedzisira vabatwa negomarara rechibereko kana resikirudzi zvichitevera tsvina neweti izvo zvinogara zviri panyama uye mamwe machira atinoshandisa asina utano. Kana tikapora zvingabatsira kuti titsvagewo mabasa nekuti kana tichinhuwa kudai, hapana angada kana kubatirwa ndiro dzake nesu kana mumabhazi chaimo vanhu vose vanenge vachingotisvipa,” anodaro.

Maria Mukume (28) wemubhuku raGandanzara, kwaMakoni kwaRusape anoti akatsemuka dundiro muna2005 apo aisununguka.

“Ndakaroorwa ndiine makore 15 ekuberekwa uye ndave nemakore 13 ndichijuja weti, izvo zvakaita kuti ndirambwe nemurume nekuti zvebonde pakange pasisina. Ndaishandisa machira asi mubhedha waigara wakatota uye mumba muchinhuwa. Panguva yandakange ndakazvitakura, mwana akange akagara pamabhonzo agu emuhudyu izvo zvakaita kuti ndityoke nekuti ndaive ndichiri mudiki. Ndaitofamba ndichidonha zvikaita kuti gumbo rangu riminyuke, nekudaro ndave kushandisa madhondoro andakapihwawo nemumwe munhu akange aita tsaona akazopora,” anodaro.

Mukume anoti akazvarwa aine mitezo yakakwana uye ari kutsidza kuti haachadi kuroorwa zvakare zvichitevera matambudziko aakasangana nawo apo akagara nemurume asati abva zera.

“Ndava chirema nekuda kwekuzvara, murume akanditiza akanoroora mumwe mukadzi uye vatove nevana vatatu. Kudai ndangorapwa ndakwanisa kunozviitirawo mabasa emawoko kana kudzokera kuchikoro,” anodaro achigadzirira kuenda muTheater kunovhiiwa.

Marvelous Mukwindidza (23) wekuHonde Valley anotiwo dambudziko rake rekubuda weti zvisina tsarukano rakatanga muna 2009.

Mai Enifa Muchemwa (40) avo vanopinda chichi yeJohanne Masowe weChishanu vachigara mubhuku raChinguringu, kwaMutekedza, kuChivhu vanoti dundiro ravo rakatsemuka makore mashanu adarika apo vakange vachisununguka pamuviri pechitatu.

Melodius Tarwekuona (22) wekwaMutambara, kuChimanimani anoti akatora mazuva matatu achirwadziwa nemimba ari kumatumba emachembere anosunungutsa kuchechi yeJohanne Marange apo mwana wake akafira mudumbu.

Zvakadai, Dr Ambuye W. Michael, avo vanove Obstetrician and Gynecologist Fistula Surgeon kuEthiopia — avo vaivhiya madzimai ane dambudziko iri pamwe nekufundisa machiremba emuno — vanoti basa iri rinoda kuzvipira uye kuve neshungu dzekuti madzimai ararame upenyu hune chiremera.

Dr Miriam Kanyenze, vanove Specialist Gynecologist Obstetrician kudunhu reManicaland, vanoti dambudziko remadzimai anojuja weti nekubuda tsvina zvisina tsarukano rakanyanya kudunhu ravo zvichitevera kuwanda kwechechi dzechipositori dzinorambidza vanhukadzi kusunungukira kuzvipatara.

“Tine chishuviro chekuti tivakirwewo muzinda unovhiya madzimai ane dambudziko iri kudunhu redu nekuti nyaya idzi dzakawanda,” vanodaro.

Chipo Chimamise anove National Maternal Health Officer kubazi rezveutano nekurerwa kwevana anoti kuzvara kushandira nyika, nekudaro Hurumende ine shungu yekutsigira utano hwemadzimai nevana.

Sister-In-Charge veChinhoyi Provincial Hospital, Charity Matambo, vakatenda kuuya kwechirongwa ichi pachipatara pavo.

Zvakadaro, Fortunate Mabhande, uyo anova murongi mukuru kusangano reWomen and Health Alliance anoti dambudziko iri rinouya nekubvaruka kunoita nhengo dzesikarudzi yemukadzi panguva yekusununguka.

“Madzimai aya anosangana nerusarura nekusemwa apo vanenge vave kuzviitira tsvina neweti vachinzi vanonhuwa,” anodaro.

Anoti chipatara cheChinhoyi Provincial Hospital, Obstetric Fistula Repair Camp chakasarudzwa kuti chinge chibatsira padambudziko iri mushure mekunge chaonekwa kuti chine nzvimbo yakakura uye zvekushandisa zvakakwana.

Madzimai anodarika 30 vakabatsirwa pasi pechirongwa ichi.

Pane vakabatsirwa ava, chikamu che97% chakabudirira apo 3% chisina zvichitevera kukura kwedambudziko uye zvimwe zvirwere zvakaita seHIV, shuga zvinogona kukanganisa kusonwa zvakanaka kwenyama dzemurwere.

Chirongwa chekubatsira madzimai ane Obstetric Fistula chakatanga muna 2015 munyika muno.

Dr Collett John Mawire vanove Medical Superintendent paChinhoyi Provincial Hospital vanoti madzimai mazhinji ari kuuya kuzobatsirwa nekudaro vari kuvamba nzira dzekukusha mashoko echenjedzo maringe nedambudziko iri. Mumiriri weUNFPA munyika muno, Dr Cheik Tidiane Cisse, vanoti sangano ravo rakazvipira kushanda nebazi rezveutano uye nevamwe vatsigiri kuti dambudziko iri riderere. Pasi rose, madzimai anodarika 2 miriyoni ari kurarama nedambudziko iri.

Share This:

Sponsored Links