‘Denga riya razaruka’

18 Oct, 2022 - 18:10 0 Views
‘Denga riya razaruka’ Kudakwashe ''Take Money'' Chiwandire akasimudzwa mawoko ake nemutevedzeri wegurukota rezvemitambo nevechidiki Cde Tino Machakaire (kurudyi) nasachigaro weAfrica Boxing Union Houcine Houichi zvichitevera kukunda kwaakaita Zulina Munoz

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yetsiva yeWorld Boxing Council Super-bantamweight interim title – Kudakwashe “Take Money” Chiwandire – anoti anoda kuvaka imba yevana vake uye kuvhura nzvimbo yekugadzira musoro zvichitevera kukunda kwaakaita Zulina Munoz wekuMexico svondo radarika ndokuwana mari inosvika US$45 000.

Take Money akakwanisa kuchengetedza bhande rake apo akakunda Munoz mumutambo wainakidza zvinokunda ngoma kurira.

Akabva awana mukana wekurwira bhande reWBC Gold iro rina Yamileth Mercado wekuMexico zvakare.
Muhurukuro neKwayedza, Take Money kana kuti “Chihera” sezvo achiyera Shava, anoti mari yose yaakawana kubva mumutambo uyu anoda kuishandisa zvine hungwaru.

“Handisi kugona nekufara kani nekutsigirwa kwandaitwa nenyika yose uye vose vakatsidza kuti vachandibatsira nemari zvichitevera kuhwina kwandakaita.

“Chekutanga, ndiri kuda kuvakira vana vangu imba vawane pekugara vazowana chavanondirangarirawo nacho mune remangwana. Kana ndapedza, ndobva ndavhura chitoro changu chekugadzira musoro.
“Ini ndinoita zvekugadzira musoro saka ndinoda kuzosimudzirawo vamwewo vanasikana nekuvapinza mabasa kuchitoro changu.

“Ini zvekugadzira musoro ndinozvinzwisisa saka pandinenge ndisingatambe tsiva, ndinoda kuzoshanda muchitoro changu ndichigadzira vanhu misoro nenzara uye ndichidzidzisawo vamwe vasikana nemadzimai vanoda kushanda basa rekugadzira musoro nenzwara,” anodaro Take Money.

Mumwedzi mipfumbamwe yadarika, upenyu hwaChiwandire hwashanduka zvikuru kubva paakatanga apo aiita gadziriro dzekunorwa naCathrine Phiri kuZambia mutambo uyo akanohwiniswa US$1 000 chete.
Asati aenda kumutambo uyu, Chiwandire anoti gadziriro dzake dzairwadza zvikuru nekuti akange asina zvekushandisa zvakakwana zvekugadzirira izvo zvaimuona achipfeka matenesi akabooka achiita gadziriro.
Anotenda Mwari uye ruzhinji rweZimbabwe nekumira naye apo aigadzirira kusangana naMunoz.

“Ndikatarisa kwandabva, Mwari uyu handizive kuti ndingamutende sei. Munoziva, ndaitombopfeka matenesi akabooka chaiwo ndichiita gadziriro dzangu zvinhu zvakaoma. Asi Mwari vazondivhurira mukana mukuru muupenyu hwangu.

“Handizive kuti ndingamutende sei Mwari uyu uye mhuri yeZimbabwe iyo yakamira neni kusvika pandave zuva ranhasi.

“Zvokwadi upenyu hwemunhu hunoshanduka, ukashanda nesimba uye kuzvipira pane zvose zvaunoita. Ini ndiri mucherechedzo wacho.”

Zvichakadai, chikwata chake chinoti hachina nguva yekumbozorora sezvo vave kutanga gadziriro dzekuti mutambi uyu agorwira bhande reWBC Gold iro rina Mercado.

Share This:

Sponsored Links