Durham Cricket yotatsurana neZim A

01 Mar, 2024 - 12:03 0 Views
Durham Cricket  yotatsurana neZim A Chikwata cheDurham Cricket chiri munyika apo chiri kutamba neZimbabwe A mumitambo yeTest Match

Kwayedza

Abel Ndooka

CHIKWATA cheDurham Cricket chekuEngland chiri munyika umo chakauya kuzotamba neZimbabwe A mitambo miviri yeTest Match neyeT20.

Durham Cricket, iyo iri pakati pekuita gadziriro yakatarisana nekutanga kwemwaka mutsva wecricket kuEngland, kuuya kwayo kuzotamba nezvikwata zvemuno ndekechechitatu mumakore mana adarika.

Chikwata ichi gore radarika chakauya pamwe chete necheGlamorgan kuzotamba mitambo yekugadzirira kutanga kwemwaka wecricket wekuEngland izvo zvakaona zvikwata zviviri izvi zvichitamba nezvikwata zvemuno zvakasiyana.

Svondo radarika, Zim A neDurham zvakatamba mutambo weTest Match kuHarare Sports Club ukazohwiniwa neDurham neNine wickets.

Svondo rino, zvikwata izvi zviri kubandana mumutambo wechipiri weTest Match uyo uri kutambirwa kuTakashinga Sports Club kuHighfields.

Pachapera mutambo uyu, Durham ichatanga kutamba mitambo yeDomestic T20 Competition izvo zvichaona ichibandana nezvikwata zvinoti Eagles, Mega Market Mountaineers, Rhinos, Southern Rocks neTuskers.

Mitambo yeT20 iyi ichatanga musi wa3 Kurume.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>