‘Dyarai, mvura inonaya kusvika muKirisimasi’

12 Dec, 2023 - 15:12 0 Views
‘Dyarai, mvura inonaya kusvika muKirisimasi’ VARIMI vari mushishi kuita mabasa akanosanganisira kudyara kumativi ose enyika zvichitevera kutanga kunaya kwakaita mvura mukupera kwesvondo radarika.

Kwayedza

Nqobile Tshili

VARIMI vari mushishi kuita mabasa avo kumativi ose enyika zvichitevera kutanga kunaya kwakaita mvura mukupera kwesvondo radarika panguva imwe chete nyanzvi dzezvekurima dziri kukurudzira kudyarwa kwembeu dzinokurumidza kuibva nedzetsanga diki, zvikuru kumatunhu asinganaye mvura zvakanaka anosanganisira Matabeleland neMasvingo.

Gurukota rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwekumaruwa, Dr Anxious Masuka, vanotsinhira mashoko achangobva kuburitswa nebazi rinoona nezvemamiriro ekunze reMeteorological Services Department (MSD) anoti mvura inotarisirwa kuramba ichinaya kusvika pazoro reKirisimasi.

Mamiriro ekunze eEl Nino, ayo anoonekwa nekusanaya kwemvura uye tembiricha dzakakwira, ange ave kuita kuti varimi vazhinji varase tariro mumwedzi miviri yadarika apo zvimwe zvirimwa zvakakurumidza kudyarwa zvange zvave kusvava nekupisa kwezuva.

Zvipfuyo zvange zvave kufawo nekuda kwekushaikwa kwemvura nemafuro izvo zvapa kuti Hurumende itange kucheresa zvibhorani kune dzimwe nharaunda dzine dambudziko iri.

Mvura yakatanga kunaya mumatunhu mazhinji munyika mukupera kwesvondo izvo zvava kupa varimi tarisiro itsva.

Varimi vemumaguta anosanganisira Bulawayo pamwe nevekumaruwa pari zvino vari mushishi kudyara mbeu dzakasiyana.

Mukuru weBubi Rural District Council, Dr Patson Mlilo, avo vanorima kudunhu reUmguza, kuMatabeleland North, vanoti vatanga kurima.

“Ndatanga kudyara izvozvi. Hongu, mvura haisati yanaya asi taudzwa nevakuru veAgritex kuti ngatitangei kudyara izvozvi. Vanotitumira mashoko nemavhidhiyo ezvatinofanira kuita,” vanoaro Dr Mlilo.

Sangano reAgricultural and Rural Development Advisory Services (ARDAS) rinoti varimi vanofanira kurima vachirangarira kuti vari kutarisana nemwaka mupfupi wekurima.

“Mwaka uno watanga zvishoma nezvishoma uye kune dzimwe nzvimbo dzichiri kutanga kunaya mvura. Zvakadaro, tariro yese haisati yarasika sezvo tichiri mukati menguva yekudyara mbesa zhinji. Varimi vanofanira kudyara izvozvi,” rinodaro sangano iri.

Varimi vane madiridziro vokurudzirwa kuti varambe vachidyara. Vane minda yePfumvudza/Intwasa uye vane matsime nemadhamu madiki vanokurudzirwa kuti vadiridzire zvirimwa zvavo.

ARDAS inoti zvakakosha kuti varimi vadyare mbeu dzinochimbidza kuibva pamwe nedzetsanga diki.

“Varimi vemuRegion 4 ne5 vanokurudzirwa kuti vadyare mbeu dzetsanga diki nedzemwaka mupfupi sezvo dzichishingirira kusanaya kwemvura kudarika dzimwe mbeu.

“Varimi vanokurudzirwawo kuti vasiyanise pakudyara zvirimwa zvakaita senzungu, pizi nembambaira kuitira kuti zvisinei nemamiriro ekunze, tinowana chimwe chinhu,” inodaro ARDAS.

Sangano iri rinokurudzirawo varimi vezvipfuyo kuti vatenge chikafu chekuchengetedza zvipfuyo zvavo sezvo zvimwe zvacho zviri kufa nechirwere cheJanuary Disease.

“Varimi vezvipfuyo tinokurudzirwa kuti vaone kuti zvawana mafuro uyewo mvura yakachena yekunwa,” inodaro ARDAS.

Share This:

Sponsored Links