Dzidzo yakawedzerwa mari

22 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
Dzidzo yakawedzerwa mari Prof Ncube

Kwayedza

Joseph Madzimure

CHIKAMU chedzidzo ndicho chakapihwa mari yakawanda kudarika mamwe mapazi eHurumende inova $10,7 bhiriyoni mubhajeti regore rinouya.

Mari iyi ichashandiswa nebazi redzidzo repuraimari nesekondari pamwe chete neredzidzo yepamusoro, sainzi nekusimudzirwa kweruzivo rwemuchina.

Vachitura hurongwa hwemashandisirwo emari yebhajeti ra2020 mudare reParamende nemusi weChina chadarika, gurukota rezvemari, Professor Mthuli Ncube, vanoti mari inosvika $8,5 bhiriyoni ichashandiswa nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari kuchiti $2,2 bhiriyoni ichaenda kubazi redzidzo yepamusoro.

“Kuona kuti pane dzidzo yemhando yepamusoro, tichipa mikana yakaenzana kuvanakomana nevanasikana, ndizvo zvinodiwa nenyika kuti mwana wose aende kuchikoro. Hurumende yakazvipira kuti hapana mwana anosara,” vanodaro Prof Ncube.

Vanoenderera mberi vachiti, “Mubhajeti ra2020, basa guru ratichatarisana naro kupedziswa kuvakwa kwemizinda yemaInnovation Hubs ekudzidzira mabasa emawoko kumayunivhesiti matanhatu eHurumende.”

Prof Ncube vanoti chirongwa chekudzidzisa vanenge vapedza fundo mabasa akasiyana, cheApprenticeship, chichaenderera mberi gore rinouya.

“Chirongwa cheApprenticeship, icho chakavambwa gore radarika chakaona vadzidzi 1 000 vachapinzwa muchirongwa ichi, chiri kuenderera mberi uye tiri kutarisira kutora vamwe 1 000 zvakare pakutanga kwegore rinotevera,” vanodaro Prof Ncube.

Share This:

Sponsored Links