Uncategorized

‘Dzimwe tsika ngatimbosiyai’

25 Jan, 2021 - 12:01 0 Views
‘Dzimwe tsika ngatimbosiyai’ First Lady Amai Mnangagwa

Kwayedza

Debra Matabvu
ZVAKAKOSHA kuti vanhu vemuZimbabwe vabatane mukurwisa chirwere cheCovid-19 sezvo denda iri risingasarudze vanhu, vanodaro mudzimai wemutungamiri wenyika First Lady Amai Auxillia Mnangagwa.

Mumashoko avo ekutenda nyika mushure memazuva matatu ekutsanya nekunamata nechinangwa chekuti Mwari vadzikinure Zimbabwe kubva kuchirwere ichi nemusi weMugovera, Amai Mnangagwa vanoti zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachitevedzera matanho akatarwa ekumisa kupararira kwedenda iri.

Amai Mnangagwa vakatungamira nyika muchirongwa chekutsanya uye kunamata pamusoro peCovid-19 kubva nemusi weChina chadarika kusvika neMugovera.

“Ndinotenda vanhukadzi, vanhu vemuZimbabwe vose neshamwari vakawana mukana wekutsanya nekunamatira nyika, vachitsigirwa neavo vaida kunamata nekufambisa shoko vachitikurudzira kuti titsvage dzikinuro pamwe chete,” vanodaro.

“Ndinotenda zvakare vakuru vemachechi ose, vakuru vanoona nezvekuchengetedzwa kwetsika dzedu, vatori venhau, vanaamai nanababa pamwe nevana vedu vakaterera chikumbiro chekuti tizvininipise pamberi paMwari,” vanodaro.

“Ndinoramba ndichinamata kuti shoko redu haringoendi pasina, asi kuti Ishe vanotinzwa, Mwari wemasimba ose. Nyika iri kurwadziwa, tinokumbira kunzwirwa nyasha nekupihwa simba uye huchenjeri pamwe chete kuti tikunde munguva yakaoma kudai.”

Amai Mnangagwa vanokurudzira vanhu vemuZimbabwe kuti vabatane nechinangwa chekurwisa denda iri.

“Chirwere ichi chiri pakati pedu uye chiri kupa mutoro wakakura zvisinei nechinzvimbo chemunhu, bato rezvematongerwo enyika raanotsigira, magariro emunhu munharaunda, rudzi rwake, kuti munhurume here kana kuti munhukadzi uye zera rake. Saka ndinokurudzira kuti tose tibatane tikunde denda iri,” vanodaro Amai Mnangagwa.

Vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vatevedzere nemazvo matanho akatarwa ekurwisa chirwere ichi.
“Ngatigarei kudzimba, topfeka mamasiki edu nemazvo, toita hutsanana nekusaita chitsokotsoko.”

Amai Mnangagwa vanoti dzimwe tsika dzinoitwa nevanhu pakuviga vashakabvu nepakupepa varwere dzinofanirwa kushanduka zvichitevera kunyuka kwechirwere cheCovid-19.

“Dzimwe tsika dzedu pakupepa varwere nekuonekedzana nevafi dzinofanirwa kushanduka. Hatikwanise kunge tichiungana, kana kunyaradzana nekubatana maoko uye kunyangwe kubata mitumbi,” vanodaro.

Amai Mnangagwa vanokurudzira vechidiki kuti vazvibate uye kuti vagare kudzimba, vasangofambe fambe zvisina tsarukano nechinangwa chekurwisa Covid-19.

“Ndinopa mashoko kune vechidiki. Zvinozivikanwa kuti mune simba rakawandisa rekuita zvakasiyana uye kushandira mhuri. Asi muri kuona mukoma, hanzvadzi, vabereki nanambuya nanasekuru uye neshamwari vachifa necoronavirus (hutachiona hunokonzera chirwere cheCovid-19).
“Tinokwanisa chete kudzikisa kupararira kwechirwere ichi nekuzvibata nekuterera kurudziro yekugara kudzimba saka nekuda kwaizvozvo tinofanirwa kutevedzera matanho ekurwisa chirwere ichi kuti tione kuti takachengetedzeka,” vanodaro Amai Mnangagwa.

Kunyangwe zvazvo mazuva matatu ekuti vanhu vatsanye nekunamatira nyika pamusoro peCovid-19 akadarika, Amai Mnangagwa vanokurudzira vanhu vemuZimbabwe kuti varambe vachinamata nekuda kwedenda iri.

Share This:

Sponsored Links