‘Dzivirirai cholera muzvikoro’

09 Jan, 2024 - 10:01 0 Views
‘Dzivirirai cholera muzvikoro’ VaTorerayi Moyo (kuruboshwe) nevamwe vachitsvaira pachikoro cheWarren Park High 1, muHarare

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

GURUKOTA rezvedzidzo yepuraimari nesekondari, VaTorerayi Moyo, vanoti zvakakosha kuti nharaunda dzezvikoro dzigare dzakachena nechinangwa chekudzivirira zvirwere zvemanyoka zvinosanganisira cholera.

Vachitaura pachikoro cheWarren Park High 1, muHarare neChishanu chadarika apo vaitungamira chirongwa chekuchenesa pachikoro apa, VaMoyo vanoti vakuru vezvikoro vane basa guru rekuona kuti nharaunda dzakashambidzika uye kuvepo kwemvura yekugezesa maoko panopinda vana pamagedhi nekunge vashanyira zvimbuzi.

“Tinofanira kufarira kugara munharaunda dzakachena, kusanganisira muzvikoro, kuti tikwanise kuzadzikisa zvinangwa zvedu zvebudiriro inoendeka zvemaSustainable Development Goals (SDGs 11) zviri maringe nekuva nebudiriro yemaguta nenharaunda (SDG 12) nekushandiswa kwezvinhu nenzira kwadzo zvichiita kuti tive nebudiriro mumaindasitiri. Hurumende yeZimbabwe yakabatana nesangano rinoona nezvekuchengetedzwa kwenharaunda reEnvironmental Management Agency (EMA) iri kuita mabasa makukutu mukuona kuti nharaunda dzedu dzakachengetedzeka. Dzidzo inofambira mberi zvakanaka kana tiine nharaunda yakachengetedzeka,” vanodaro.

VaMoyo vanoenderera mberi vachiti: “Tiri kuona kuti nyika yakatarisana nezvirwere zvemanyoka echolera zvinova zvinowanda zvikuru munguva ino yekunaya kwemvura saka kana vanhu munyika ino vakarwira chisungo chimwe chete chekuchenesa nharaunda tinoona tichikunda.”

Vanoti kuchenesa nharaunda kunobatsira zvekare mumukwezva vashanyi munyika muno izvo zvinosimudzira mabhizimusi ezvekushanya.

Share This:

Sponsored Links