‘Dzivirirai Covid-19 muzvikoro zvose’

13 Feb, 2022 - 06:02 0 Views
‘Dzivirirai Covid-19  muzvikoro zvose’ VaCloud Nyambuya

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

VABEREKI, vakuru vezvikoro nevadzidzisi vanokurudzirwa kuti vakoshese nyaya yekutevedzera matanho ose akatarwa ekudzvirira chirwere cheCovid-19 icho chaona chikamu chezvedzidzo chichidzoserwa kumashure zvakanyanya zvichitevera kuvharwa kunomboitwa zvikoro kwenguva refu.

Mashoko aya akataurwa nemutevedzeri wemukuru wezvedzidzo mudunhu reHarare, VaCloud Nyambuya, vachiti zvakakosha kuti vadzidzi vachengetedzwe zvakanyanya kubva kuchirwere ichi.

“Vana vedu vavhiringidzwa zvikuru dzidzo yavo nekuda kwedenda iri. Rava basa revabereki nevadzidzisi rekuona kuti vana vatevedza zvose zvinodiwa kuitira kuti pasazoita nguva inobatwa vadzidzi vakawanda nechirwere ichi sezvo izvi zvichiita kuti dzidzo imbomiswa,” vanodaro VaNyambuya.

Vanoti zvakakosha kuti vadzidzi vagare vachirangaridzwa zvinodiwa mukuderedza kutapurirana Covid-19.

Vabereki, vanodaro VaNyambuya, vanofanira kuita muonera pamwe chete nevadzidzisi panyaya yekuchengetedza vana vavo kubva kudenda iri.

“Shuviro yedu muzvikoro ndeyekuti pasaita chikoro chinowana vadzidzi vakawanda vanobatwa nedenda iri. Hatifaniri kuva nevadzidzi vanonzi vafa nechirwere ichi. Izvi tinokwanisa kubudirira chete kana pakaita mushandirapamwe wakasimba pakati pevabereki nevadzidzisi.

“Ndiri kufara chaizvo kuti pari zvino zvikoro zvedu muHarare zviri kutevedza zvose zvinodiwa mukuderedza kupararira kwedenda ranetsa iri. Vadzidzi nevararidzi vari kuratidza kunzwisisa nezvedenda iri uye kuti rinodzivirirwa sei kuti risapararira,” vanodaro.

VaNyambuya vanoenderera mberi vachiti, “Tine dambudziko revadzidzi vanobva kunzvimbo dzinogara vanhu vakawanda.

“Kunzvimbo zhinji dzakadai kune vanhu vasingatevedze mirawo nemazvo yekuderedza kupararira kweCovid-19. Izvi zvinoisa vana vanogara kunzvimbo idzi panjodzi yekubatira chirwere ichi avo vanozosanganawo nevamwe kuchikoro.

“Naizvozvo tiri kukurudzira munhu wose kuti atevedze mirawo yakatarwa neHurumende pamwe chete neWHO nekuti tose tine basa pakuzvichengetedza kubva kudenda iri.”

Vanoti muzvikoro mune mukana wakakura wekuparadzirwa kwechirwere cheCovid-19 nekudaro zvakakosha kuti pave nekutevedzerwa kuzere kwematanho ekudzivirira kupararira kwedenda iri.

Matanho aya anosanganisira kuona kuti vadzidzi nevamwe vose vari muzvikoro vari kushambidza mawoko avo nguva nenguva vachishandisa sanitizer kana kuti nemvura ine sipo, kupfeka mamasiki nenzira kwayo uye kusaita chitsokotsoko.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>