Uncategorized

‘Dzosa mari yangu yandakakuroora’

01 Jan, 2016 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Sandy Musungata
MUKADZI wekuramba murume wake nekuda kwekuti aigara achimushungurudza anoti haasisina rugare sezvo ave kunzi adzose mari yose yeroora yakapihwa vabereki vake.

Charity Gojo akamhan’arira aimbove murume wake, Samsom Komboni, kuHarare Civil Court achiti apfidza nekushungurudzwa nenyaya yekuti akamuramba.

“Changamire, naSamson takarambana nekuti aigara achindishungurudza asi hapana chandakagona nekuti iko zvino anoti ndipe mari yandakakurooresa. Mumwe musi akamisa motokari yake mumashure meyangu zvekuti ndaisakwanisa kubva ipapo kusvika iye abva ndokuti handibve kusvika wandipa mari yangu zvekutoti musi iwoyo akabva adhumha motokari yangu kumashure. Kutaura kuno ari kutobhadhara ma‘damages’ nekuti ndakamhan’ara nyaya yacho kumapurisa.

“Anondinyadzisa pabasa nekuti tinoshanda tose. Dzimwe nguva anondituka uye haataure neni zvakanaka zvekuti pabasa unopedzisira wava kuzeza kushanda nekunyara. Anouya opaka mota yake pamba pangu orara mumota make asi iye ane imbawo yake muChikurubi matinogara. Handizive kuti anozviitirei,” akadaro Gojo. Komboni akati zvimwe zvaaipomerwa manyepo asi zvimwewo akazviita, kwete nekuda kwake asi nekugumbuka. “Ishe wangu, zvimwe zvataurwa apa ndanyeperwa. Zvekudhuma mota yake ichokwadi asi handina kuzviita ndichida, zvinhu zvakangoitikawo nenyaya yekuti kana vanhu mukatadza kuwirirana pakutaura unopedzesera waita zvimwe zvinhu zvaunenge wave kuzofunga kuti ko ndambozviitirei.

“Zvekuti ndinomutuka nekurara mumota ndiri pachivanze chake ava manyepo kuti nyaya yake isimbe. Handizivi kuti kana iye atora ‘protection oder’ iyi tichaita sei kubasa nekuti tinoshanda tose uye tinotofanira kutaura tose kuti basa riendeke,” akadaro Komboni.

Mutongi Marehwanazvo Gofa akapa Gojo gwaro redziviriro ndokuti vaviri ava vanofanira kuchengetedza runyararo pakati pavo kunyangwe pavanotaura vose nekubasa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>