‘Dzosai Junior Policy’

08 Jun, 2023 - 19:06 0 Views
‘Dzosai Junior Policy’ Leo Kurauzvione

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yakambonetsa munhabvu – Leo Kurauzvione – ari kuchema-chema nekudzokera kumashure kwaita nhabvu yemuno nekuda kwekusasimudzirwa kwetarenda revechidiki zvakasimba izvo anoti zvichasvika pakuona vatambi vashoma vanobva muno vachienda kunotambira zvikwata zvekunze.

Kare, mitambo yezvikwata zvikuru zvisati zvatamba, paiwanzotamba zvevechidiki apo paionekwa vatambi vane tarenda vamwe vaitozoenda mberi kunotambira zvikwata zvakasiyana.

Asi iye zvino hakuchina nekuti hakusisina Junior League rakasimba iro riri kunyatsobika vatambi sezvaiitwa kare.

Izvi Kurauzvione anoti zvimwe zvezvikonzero zviri kutadzisa nhabvu yemuno kuenda mberi.

“Ndikatarisa nhabvu yemuno, mwoyo wangu unorwadza, hapana kwatiri kuenda nemamiriro azvakaita nekuti hakuchina maJunior League akasimba seaiveko kare atakakura tichiona tikazomatambirawo uye iye zvino takatemerwa zvirango zvenhabvu.

“Hatisi kukwanisa kutamba nezvimwe zvikwata zvekunze kwenyika mumitambo yemuAfrica neyepasi rese. Izvi tiri kuona kuti zviri kukanganisa zvakawanda, kunyanya kutengeswa kwevatambi vedu kunze kwenyika.

“Kazhinji zvikwata zvekunze pazvinotarisa vatambi vemuno vanovatarisa pamitambo yakasiyana iyo vanenge vachitamba, manje kana tisiri kutamba nezvikwata zvekunze hakuna anenge achiona zvikwata zvedu,” anodaro.

Kubva Zimbabwe payakatemerwa zvirango zvenhabvu neFIFA neCAF, zvakaona ichiburitswa mumhuri yenhabvu yepasi rose.

Kurauzvione mumwe wevatambi vakawana mukana wekutambira kunze kwenyika izvo zvakamuona achitambira nhabvu yake kuPoland kuchikwata chikuru cheko cheLegia Warsaw uye akazotambira kuSouth Africa kuchikwata cheUniversity of Pretoria Amatuks.

Leo Kurauzvione

Kurauzvione akazvarwa mugore ra1981 kuChikurubi Support Unit.

Akaberekerwa mumhuri yenhabvu sezvo baba vake mushakabvu Errire Kurauzvione, vakambotambira Black Mambas muchikwata chimwe chete naMasimba Dinyero.

Mumhuri mavo, vakazvarwa vari vashanu uye ndiye ega mukomana.

Anoti achiona baba vake vachitamba nhabvu, akazviyemura ndokutevera mumatsimba avo.

Kurauzvione anoti aiyemurawo zvikuru aimbove mutambi weArsenal – Patrick Viera – uyo anoti aida chaizvo kutamba nhabvu saiye.

“Ini chakandituma kutamba nhabvu ndibaba vangu – Errire Kurauzvione – avo vakambotambawo mutambo uyu vachitambira Black Mambas. Ndaida chaizvo kutevera mumatsimba avo uye ndakakwanisa kuzviita nekuti ndakazotambira zvikwata zvakasiyana.

“Ndichikura ndichiona nhabvu, ndaiyemura zvikuru Patrick Viera uyo aitambira Arsenal, aitamba nhabvu zvandaida chaizvo izvo zvakandituma kuti ndide nhabvu,” anodaro.

Panguva yaakatamba nhabvu, Kurauzvione akatambira zvikwata zvakaita seDynamos, Shooting Stars neLengthens zvemuno.

Aive muchikwata chemaWarriors chakatanga kubudirira kuenda kunokwikwidza kumutambo weAfrica Cup of Nations kuTunisia apo maWarriors airairidzwa naSunday ‘Mhofu’ Chidzambwa.

Panguva iyi, Kurauzvione akange ane makore 22 okuberekwa uye achitambira Dynamos FC.

Anoti kuenda kunomirira nyika kumutambo uyu dzimwe dzendangaririro dzaachagara nadzo kwehupenyu hwese.

“Ndangariro dzandisingafe ndakakanganwa semutambi wenhabvu kuve muchikwata chekutanga chakabudirira kuenda kunokwikwidza kumutambo weAfrica Cup of Nations mugore ra2004 apo takaenda kunotamba kuTunisia.

“Ndakanwisawo musem-final yeMadison Cup apo takasangana neAmazulu tikabva tabudirira kupinda mufainari. Mitambo yataisangana neHighlanders yaifadza zvikuru, ndichiri kurangarira gore ra2003 takairova pamusha pedu nepayo zvekare. Pamusoro pazvose, kuenda kunotamba nhabvu kuPoland chinhu chikuru kwazvo kwandiri izvo zvinoshuvirwa nevatambi vakawanda, zvimwe zvezvinhu zvandisingakanganwe,” anodaro.

Ari kuDynamos, Kurauzvione akakwanisa kuhwina mikombe yakawanda yaisanganisira Zifa Unit Cup.
Kubva asendeke shangu dzake dzenhabvu, Kurauzvione ave kushanda paGolden Valley Mine, kuKadoma.

“Zvinhu iye zvino hazvina hazvo kumira zvakanaka, ndiri kushanda kumugodhi weGolden Valley Mine, asi chikuru ndechekuti ndiri kushandira mhuri yangu kuti iwane chekudya,” anodaro.

Anoti anoera Dziva asi akambonzwa kuti vanasekuru vake vaive verwudzi rwechiZulu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>