Uncategorized

Dzvi aine mbudzi yakafa musaga

07 Jun, 2019 - 00:06 0 Views
Dzvi aine mbudzi yakafa musaga Anesu Mudimu akasungurirwa pasimbi yepachigaro chemubhazi

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURUME anofungidzirwa kuti anoba zvipfuyo kwaChivero, kuMhondoro nedzimwe nzvimbo dzakakomberedza, nyama yacho achitengesera kuHarare, akazoigochera pautsi apo akabatwa aine mbudzi yakafa musaga paMbare Msika, ndokuzozvambaradzwa neveruzhinji.

Murume uyu anonzi akakwira kombi pachikoro cheSt Savious, kwaMarisamhuka kwaChivero, apo akakwidza saga raiva riine mbudzi yakafa ndokunyepera vekombi iyi kuti musaga maiva nembambaira nechibage.

Murume uyu anonzi akakwira kombi iyi kuma4 mambakwedza apo akakwidza oga mbudzi iyi pamusoro zvikaita kuti mutyairi wekombi nahwindi wake vatadze kuona kuti maiva nechii.

Gure rakazofumuka apo kombi yakasvika kuMbare kunze kwaedza. Pakada kuburutswa saga iri, makazoonekwa muine mbudzi yakafa asi isina

kuchekwa kana kuvhiiwa zvinotaridza kuti yaiva yamonywa mutsipa.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, Inspector Clemence Mabgweazara, vanotsinhira nyaya iyi.

“Tinotenda veruzhinji nekukurumidza kuona kuti murume uyu anogona kunge aine mabasa akaipa ayo aiita. Inyaya iri kuferefetwa, kana yapera murume uyu achaendeswa kumatare edzimhosva otongwa nemhosva yekuba zvipfuyo. Tinozvirumbidza kuti veruzhinji vashande zvakanaka kudai nemapurisa,” vanodaro.

Kwayedza yakazosvika kumusika weMbare apo murume uyu – uyo akati anonzi Anesu Mudimu (34) – akange asungwa neveruzhinji uye aiswa mubhazi rekwaMotsi Bus Company nembudzi yake vave kudzoserwa kuMhondoro kuti nyaya inoferefetwa.

Mudimu akaudza Kwayedza kuti anobva kwaTsanzaguru, kwaRusape, uye kuMhondoro aiva anoita zvechikorokoza kumapurazi ari pedyo netaundishipi yekwaChingwere.

Akazotanga kurikitwa senyoka yapinda mumba nemumwe murume akangopinda mubhazi iri achipopota achiti iye akabirwa mbudzi dzake.

Mudimu akanzwikwa achizhamba neKwayedza apo vamwe vanhu vaiva mubhazi iri vakadzvamuka vave kutya kurohwa kwaaiitwa.

“Ndomuuraya uyu, kupedza mbudzi dzevanhu vanhu vachisara vachitambura iye achidya nenyama! Musambopindira zvenyu, asi nemiwo muri mbavha? Vanhu vakadai vanofanirwa kufa mhani, kubira munhu zvinhu zvake achisara achitambura,” akanzwikwa achidaro murume uyu achibva azodzika mubhazi iri ndokuenda.

Mudimu akazosara akazvambarara pasi apo anonzi aitsikwa mutsipa neveruzhinji achibowa nekurwadziwa.

Vashandi vemubhazi iri vakazodzinga vanhu vakanga vave kuzara mubhazi ravo vachida kuona murume ainzi igororo uyu.

Mbudzi yaiva yaiswa pamusoro pebhazi kuti idzokerwe nayo kuMhondoro yakazomboburutswa kuti ionekwe apo yairatidza kusava neropa kana pakachekwa.

Murume akangozivikanwa nezita rekuti Mussi webhazi rekwaMotsi, paakaridzirwa nhare neKwayedza anoti akanosiya Mudimu nembudzi yake pakamba yemapurisa ekuGonza, kwaChivero, uko akazofuma achitakurwa kuendeswa kuNorton.

 

 

 

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>