FC Platinum, Harare City dhuma-dhuma pa’doro’

14 Nov, 2014 - 00:11 0 Views
FC Platinum, Harare City dhuma-dhuma pa’doro’ Norman Mapeza

Kwayedza

KUNENGE kusingadanwe anonzwa svondo rino kunhandare yeMandava Stadium kuZvishavane uko FC Platinum ichasangana neHarare City mufainari yemutambo weChibuku Super Cup.

Rwendo rwakafamba zvikwata zviviri izvi rwange ruri rurefu uye shasha yeChibuku ichaonekwa pamutambo uyu apo chikwata chichahwinha chichaenda kumba nemari inosvika US$75 000 kozotiwo chinenge chakundwa hachizodzokeri chiri mawoko chete sezvo chichapihwawo US$50 000.

FC Platinum yakakunda Black Rhinos 1-0 musemi-fainari kuti ipinde mumutambo uyu kozotiwo nekune rimwe divi, Harare City yakarakasha Highlanders ‘Bosso’ 3-0.

Mutambo uyu unorakidza kuti uchange uchinakidza kukunda ngoma kurira sezvo varairidzi vezvikwata zviviri izvi, Norman Mapeza wePlatinum naMasimba Dinyero weCity, vakatanga kurazvirairidza pakati pemwaka wenhabvu wegore rino.

Mapeza akaenda kuPlatinum zvichitevera kudzingwa kwakaitwa Lloyd Mutasa basa nguva pfupi yadarika apo chikwata ichi chaitatarika zvikuru muligi.

Dinyero kana kuti Member-in-Charge, sezita rake remadunhurirwa, akapinda panyanga apo akatsiva Bigboy Mawiwi panguva iyo Harare City yainge yanzwa nekurakashwa zvinopisa tsitsi.

Dinyero, pavachasangana neFC Platium, achange achida kurwadzisa mwoyo wechikwata icho chakambomubata nekuseri kweruwoko.

Dinyero akamboshanda kuFC Platinum ari mutevedzeri waMutasa asi ndokuzodzingwa basa achipomerwa mhosva yekukonzera nyonga-nyonga kuchikwata ichi.

Muhurukuro neKwayedza, Dinyero akati rwendo rwafamba chikwata chake mumutambo uyu rwange rusiri nyore saka chasara parizvino kuti vachipedzisa basa ravakatanga.

Anoti svondo rino apo vari kunanga kuMandava, vachanobata basa sebasa uye vakangwarira sezvo mitambo yemikombe yakaomarara zvikuru.

Anoti FC Platinum chikwata chikuru uye iri kutamba nhabvu inodakadza muligi.

“Chikuru chekutanga ndechekuti ichi chiremerera chikuru chatakawana chekutambira mufainari yemutambo uyu.

“Rwendo rwatafamba rwange rusina kumira zvakanaka asi ndine mufaro mukuru kuti aiwa tirimo mufainari uye tiri kuda kutotora mukombe svondo rino.

“Hapana chinombotitadzisa, zvese-zvese zvinogona kungoitika mufainari yemitambo yemikombe saka isu hedu tichange takangwarira nekuti tinoziva kuti Platinum chikwata chihombe uye chiri kutamba nhabvu yakanaka zvikuru.

“Asi hatimbotarise izvozvo, tichaenda kuMandava tichiziva zvatinenge tafambira ikoko uye tichanotora mukombe toirovera pamusha payo,” akadaro Dinyero.

Mapeza akange asingadaire nharembozha yake apo paaifonerwa nebepanhau rino kuti ataure divi rake maringe nekuti gadziriro dzechikwata chake dziri kufamba mugwara here.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>