Federer acharamba achitamba

24 Mar, 2017 - 00:03 0 Views

Kwayedza

ROGER Federer akabuda pachena kuti anoda kuramba achitamba mutambo wetenesi uye haasi kumbofunga zvekuusiya.

Ramangwana reshasha iyi rakange rave kutaurwa nezvaro gore radarika sezvo ange ave nemakore mashanu asina kumbohwina Grand Slam uye akambokuvara, asi muna Ndira gore rino akazokunda Rafael Nadal mufainari yeAustralian Open.

Uye shasha iyi – iyo ine makore 35 okuberekwa – yakabva yatevera nekukunda Stan Wawrinka mufainari yeBNP Paribas Open svondo radarika.

Federer akaudza GQ kuti ari kuzvinzwa maari kuti anogona kuramba achienderera mberi nekukwikwidza ndokuti anofara chaizvo kuenda kunokwikwidza kumitambo yakawanda pasi rese.

Shasha iyi yekuhwina Grand Slam ka18, yakavaka imba yavo pamusoro pegomo kuSwitzerland nemudzimai wake – Mirka Valbella – nechinangwa chekuti vatize hupenyu hwemudhorobha.

Asi Federer kunyangwe hazvo achiti anoda kugara murunyararo, akabuda pachena kuti anoda kuramba achikwikwidza mumitambo yakasiyana.

“Ngatiti ndine mutambo,” Federer akadaro.

“Ndinozvibvunza, kuti ndinonzwa kufara sei kubva kumba kwangu ndichienda kunokwikwidza kumutambo uyu ndichisiya kumba kwangu.

“Nekuti zvinhu zvakanaka kuramba ndiri kumba kwangu.

“Saka ndinofara hangu kurongedza mabhegi angu ndofamba kuenda kunomarongedza mumotikari yangu, ndotarisa imba yangu ndoti ndave kuenda kunoita basa randinodisisa.

“Kana kuti ndinofunga kuti ndicharamba ndichienderera mberi here?

“Nguva yese ndinenge ndichiti ndinonzwa kufara kuramba ndichienderera mberi.

“Ndichiri kuita zvinhu zvakanaka chaizvo mumwoyo wangu.” – Sportsmail.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>