Firimu raMuripo rabuda

29 Jul, 2021 - 10:07 0 Views
Firimu raMuripo rabuda

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yekarate — Shihan Samson Muripo — ocherechedzwa hupenyu hwake mumutambo uyu kuburikidzwa nefirimu rakabikwa nenyanzvi dzinobika madhirama nemafirimu dzeYakontent.

Firimu iri rakagadzirwa riri muzvikamu zvina uye rinotsanangura makuriro akaita Shihan Muripo kubva achiri mudiki kusvika paakazotanga kukwikwidza mumutambo wekarate ave shasha yepasi rose.

Muhurukuro, Shihan Muripo anoti anoyemura zvikuru basa rakaitwa neYakontent mukugadzira firimu iri uye anoshuvira kuti richasimudzira vamwe vatambi vekarate nemimwe mitambo yakasiyana kuti vashande nesimba.

“Muhupenyu, hapana chausingakwanise kuita asi hunge munhu ukazvipira pamwe nekushanda nesimba. Ndinotenda zvikuru veYakontent nebasa guru ravakabata nekuzvipira kwavakaita kuti firimu rehupenyu hwangu rigobuda.

“Ndakawana nguva yekutaura nemafambiro andaita mumutambo uyu nezvandakasangana nazvo. Saka ndinotarisira kuti vechidiki vachadzidza zvikuru kubva kune zvavachaona mufirimu iri, voziva kuti kuburikidza nekushanda nesimba uye vachiterera zvavanenge vachifundiswa, hapana chavanotadza kuita,” anodaro Shihan Muripo.

Tafadzwa Antony Munyaradzi weYankontent anoti hupenyu hwakafambwa naShihan Muripo hunoyevedza zvikuru sezvo hune hushingi zvakaita kuti vatore danho rekugadzira firimu rehupenyu hwake nechinangwa chekusimudzira vechidiki vemitambo yakasiyana.

“Zvinhu zvinofadza uye zvinoyemurwa kuti munyika medu tine shasha dzakaita saShihan Muripo, shasha yepasi rese mukarate. Zvinhu zvinofanirwa kupembererwa uye kurakidzwa pasi rese kuti munyika medu tine shasha yekarate.

“Chinangwa chedu kuti vamwe vadzidze kuburikidza nekunzwa kubva kuna Shihan Muripo vagoshanda nesimba, vagove shashawo mumitambo yakasiyana,” anodaro Munyaradzi.

Zvakadaro, Shihan Muripo akapedzisira kurwa mugore ra2019 kuRussia uko akahwina menduru yegoridhe kumutambo weSixth Kyokushin Karate World Cup.

Aitarisira kurwa gore radarika kuJapan kumutambo weSo-Kyokushin World Karate Championship asi haana kuzobudirira kuenda nekuda kwechirwere cheCovid-19 icho chakakonzera kumbomiswa kwemitambo pasi rose.

Share This:

Sponsored Links