Gadziriro dzemaYouth games dzoitwa

29 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

GADZIRIRO dzemakwikwi emaNational Youth Games egore rino ayo achaitirwa kwaMutare kudunhu reManicaland nguva pfupi iri kutevera dzakatanga.

Makwikwi aya emitambo yakasiyana inosanganisira, kumhanya, tsiva, bhora remakumbo, volleyball nenetball achaitwa kubva musi wa15 kusvika 23 Nyamavhuvhu.

Provincial Education Director veManicaland Province, VaEdward Shumba, vanoti dunhu ravo rakagadzirira makwishu aya.

“Dingindira remaYouth Games gore rino rinoti ‘Transforming Lives Through Sport’ zvichireva kuti mitambo inopa raramo muhupenyu,” vakadaro VaShumba.

“Nhandare yeSakubva ndiyo yatichaitira makwikwi edu asi iri kuda kugadziriswa parizvino zvinova zvatanga uye panosvika zuva remakwikwi iri tinovimba kuti tichange tapedza kugadzira nhandare dzose dzaachaitirwa.

“Zvimwe zvatiri kugadzirisa zvinosanganisira dzimba dzekugara nezvimbuzi. Vanhu vachange vachigara kuMutare Teachers College neMutare Polytechnic,” vakadaro VaShumba.

Mitambo iyi ichatambirwa zvakare pazvikoro zvinoti Dangare Primary, Mutare Boys High neMutare Girls High uko kuchange kuchiitirwa basketball nenetball.

“Asi kana tichinge tisina kupedza kugadzira nhandare yeSakubva tichashandisa yekuHillcrest College. Shungu dzedu dziri pakuti vagari vekuManicaland vamboona kuti mitambo yakakosha sei, vabereki vaonewo matarenda evana vavo,” vakadaro VaShumba.

“Isu sepurovhinzi takagadzirira kukunda mumakwikwi aya.”

Vanoti vanamuzvinhapembe pamwe nevamwe vanenge vachiona mafambiro emitambo iyi vachabva kusangano reSports and Recreation Commission (SRC).

Zvakadaro, sachigaro wekomiti iri kuronga nezvemakwikwi aya, VaJoseph Muchechetere, vanoti chishuwo chavo chekuti abudirire zvikuru.

“Tiri kugadzurudza nzvimbo dzaachaitirwa kuitira kuti panozosvika zuva remakwikwi aya dzinenge dzamira zvakanaka,” vakadaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>