Gadzirisai nhabvu yedu: JP

29 May, 2023 - 09:05 0 Views
Gadzirisai nhabvu yedu: JP John ‘JP’ Phiri

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yakambonetsa munhabvu – John ‘JP’ Phiri – anoti masangano ese ane chekuita nenhabvu yemuno anofanirwa kuisa misoro pamwe chete ogadzirisa mutambo uyu sezvo “waenda mudondo.”

Nekuda kwezvirango zvakatemerwa Zimbabwe neFIFA, nhabvu yemuno yakangomirira sezvo nyika ino yakabviswa mumhuri yenhabvu yepasi rose.

Izvi zviri kuona zvikwata zvakasiyana zvemuno, kusanganisira chenyika chemaWarriors, zvichitadza kutamba nezvekune dzimwe nyika.

Muhurukuro neKwayedza, JP, uyo akatambira zvikwata zvakaita seRio Tinto, Darren T, Warriors nezvimwe zvekunze anoti yasvika nguva yekuti nhabvu yemuno ichigadziriswa, ibviswe mumadhaka airi.

“Nhabvu yedu iri mudondo chaimo nekuti zviri kuitika izvi zviri kukanganisa mutambo uyu. Pane kudhonzerana kwakanyanyisa, saka zviri kuuraya nhabvu yedu.

“Zvange zviri kuitika makore matatu adarika aya hazvisi kufadza nekuti vanhu vari kukanganisika vapfana avo vari kurasikirwa nemikana yekuenda kunze nekuti nhabvu yedu yakamira.

“Isu tiri kuda kuti nyaya iyi ichigadziriswa, masangano ese ane chekuita nenhabvu ngavagare pasi vaonesana vasvike pakuwirana kuti zvavari kuita izvi hazvisi zvenhabvu,” anodaro JP.

Nekuda kwezvirango zvakatemerwa Zimbabwe neFIFA pamwe chete neCAF, maWarriors akatadziswa kukwikwidza kurwira kuenda kumutambo weAfrica Cup of Nations uchatambwa gore rinotevera nekurwira kuenda kuWorld Cup 2026.

Nerimwewo divi, FC Platinum neBulawayo Chiefs zvakatadziswa kutamba mumitambo yeCAF Champions League neConfederations Cup iyo yange ichitambwa nezvimwe zvikwata zvekunyika dzakasiyana dzemuAfrica.

Zvirango izvi zvisati zvaiswa, maWarriors ange ave kugara achienda kuAFCON uye achimisidzana nezvikwata zvikuru zvemuAfrica zvinosanganisira Algeria neZambia.

JP anoti kusatamba kwaita maWarriors makore maviri adarika kwadzorera kumashure zvakanyanya chikwata ichi.

“Izvezvi hatina chikwata chenyika chemaWarriors uye makore maviri adarika aya chisina kumbotamba mutambo mumwe chete zvadzorera kumashure basa ratange tichibata izvo zvange zvichitiona tichienda kuAFCON nemimwe mitambo yakasiyana.

“Iye zvino vatambi vekuEurope chaivo havasisina hanya yekutambira maWarriors nekuti hapana zvazvinovapa, vasvika pakuora mwoyo wavo,” anodaro.

JP akazvarwa mugore ra1962 kuRio Tinto, kuKadoma uko akakurira achidzidza paCam and Motor Mine.

Muchinda uyu akatambira Rio Tinto FC ndokukwanisa kuhwina mikombe yakasiyana nechikwata ichi iyo yaisanganisira Chibuku Cup neRose Bowl.

Atamba kuRio Tinto kwemakore akawanda, akazobva ndokuenda kuDarren T iyo akatambira ndokuhwina nayo mukombe weCastle Cup apo vakakunda CAPS United 4-1 mufainari yemutambo uyu.

Ari kuDarren T, iye naNorman Mapeza vese vakazotorwa naWieslaw Grabowski ndokuendeswa kuPoland uko akanotambira zvikwata zvinoti Miliader neLech Poznan.

Vari kuPoland, Mapeza akazobva kunyika iyi achienda kuTurkey kunotambira Galatasaray JP ndokusara akatamba kwemakore anoti 1994 kusvika 1996.

JP akazobva akaenda kuSouth Africa akanotambira Cape Town Stars chinove chakaita chikwata chake chekupedzisira kutambira nhabvu.

Shasha iyi yakatambira maWarriors uye munhoroondo yechikwata chenyika ichi ndiye akakwanisa kutamba kakawanda kudarika vamwe izvo zvakamuona achichitambira ka106.

JP anoti nhabvu yemazuva ano yakasiyana neyekare nekuti yaizvezvi yave pamberi uye ine mari zhinji kudarika panguva yavakatamba apo vaitoenda kune mamwe mabasa vachitamba nhabvu.

“Bhora iye zvino rave nemari zhinji kudarika panguva isu yatakatamba nhabvu, naizvozvo ndinokurudzira vechidiki kuti ngavachengetedze mari dzavanowana munhabvu vatange mabhizimisi akasiyana kuitira kuti vazvirongere remangwana ravo vazosendeka shangu dzavo dzenhabvu,” anodaro.

JP anoshora vatambi vanotora zvinodhaka achiti vari kuzvikanganisira hupenyu hwavo pamwe nemutambo uyu. Anoti vatambi vanozvibata vasingatore zvinodhaka ndivo vane mukana wekusvika kure nemutambo uyu.

“Kune vatambi vari kutora zvinodhaka, manje vari kuzvikanganisira hupenyu hwavo nekuti nhabvu haidi izvozvo. Kana uchiita zvekutora mutoriro kana mbanje nezvimwe zvinodhaka, paunenge uchifanira kutamba bhora kwemakore 20 uchapedzisira watamba mashanu chaiwo nekuti unenge uchizvikuvadza muviri wavo nezvinodhaka.

“Ukatarisa ivo vatambi vanotora zvinodhaka, ndivo vamwe vasingagare nemari nekuti mari yavo inenge ichiperera kune zvinodhaka. Vaye vanozvichengetedza muviri yavo ndivo vanosvika kure mumutambo uyu. Saka siyai zvinodhaka,” anodaro JP.

Mazuva ano JP anoti ari kuita mabhindauko akasiyana ekumuraramisa nemhuri yake uye munhu anoenda kukereke.

JP akaroora uye akakomborerwa nevana vatatu vanoti musikana akaroorwa ave nemhuri yake nevakomana vaviri.

Mukomana mukuru ave kuzvishandira kune imwe kambani huru kuchiti mudiki ari kuChinhoyi University of Technology (CUT).

Anoti mudiki, uyo anonzi Joel, ane chipo chenhabvu asi ari kumukurudzira kuti amboita zvemabhuku uye kana apedza ozoita zvake zvenhabvu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>