Uncategorized

Gamba Dr Edison Sithole ropembedzwa

27 Mar, 2015 - 00:03 0 Views

Kwayedza

MABASA akanaka haarovi, uyewo inhaka yomusiidzanwa kwete kumhuri chete, asi pasi rose. Izvi ndizvo zvakaitwa nechikoro chedzidzo yapamusoro-soro, cheUniversity of South Africa (UNISA), chakapembedza gamba rorusununguko — Dr Edison Furatidzayi Chisingaitwi Sithole.

Dr Sithole ndivo vakave mwana weZimbabwe nemudunhu rose kuwana dhigirii rapamusoro-soro munyaya dzougweta (Doctor of Laws — LLD) mugore ra1974. Vakange vaine makore 39 okuzvarwa pavakawana fundo yapamusoro-soro kudai.

Chiremera ichi chakazotambizwa nevanji waDr Sithole (Edison Sithole Junior) musi wa12 Kurume kuUNISA, kuSouth Africa. Mumwe akaremekedzwawo ndimuzvinafundo Digby Sqhelo Koyana, avo vakave munhu mutema wepiri kuwana dhigirii reDoctor of Laws mugore ra1989 – makore gumi namashanu mushure mokunge Dr Sithole vapihwa sando dzavo, uyewo makore 14 mushure mokunge Dr Sithole nasekeretari wavo, muzvare Miriam Mhlanga vanyangarika pakati peguta reHarare.

Vakanyangarika musi wa15 Gumiguru 1975, uyewo kusvikra nhasi uno hapana anoziva kuti chii chakaitika kwavari, kunyange zvazvo zvichifungidzirwa kuti Hurumende yaIan Smith yakavatora ikanovaponda.

UNISA yakati: “(Dr) Sithole ndiye munhu mutema wokutanga kuita Doctor of Laws mugore ra1974, zvikamuitawo munhu wokutanga muRhodesia (yave Zimbabwe), zvisinei neganda rake kuti ave nefundo yapamusoro-soro kudai mudunhu rose.” (Dunhu ratave kuziva seSadc).
Dr Sithole namuzvinafundo Koyana vakavhurira vamwe vakazotevera, vakaratidza kuti hazvinei neganda rako kuti uzadzise zvido zvomoyo. Kuve nhangaruvanze uku kwakange kwakakosha nokuti panguva youdzvanyiriri zvakange zvave kureva kuti vaisungirwa nyaya dzezvamatongerwo enyika, vave nevamiriri mumatare edzimhosva.

Kunyange zvakadaro, Dr Sithole vakazvifira, nokuti mupambepfumi akange asingadi vanhu vanozvifungira uyewo vanozvimirira.
Pepanhau reHerald musi wa24 Kurume, rakanyora kuti nevanji wavo Edison akazadzwa nomufaro akanzwawo kuninipisika achiona baba vake vachieyeukwa mushure mamakore makumi mana vawana LLD yavo: “His place in history as a leading academic has been befittingly restored notwithstanding that it is 40 years since his abduction by the racist Smith regime,” akadaro Edison.

Vakazvinzwa vakatendawo UNISA, vakapembedzawo mabasa akaitwa naDr Sithole kunyange zvazvo upenyu hwavo hwakadimburirwa.
Buwenyi achinyora pawebsite yeHerald nechiNdau akati: “Zvinodakadza izvi dhodha remuganga. Ndazwa kubatwa-batwa ngekushanda kwakanaka kwamwakaita aSithole, mwapedza mwonyangariswa musati mwabusa ziya renyu.

Azvina ndaa zororai murugare Chirandu. Chipinge tinodada ngerecord iri!!!”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>