Uncategorized

George Shaya ari kurwara

28 Apr, 2021 - 18:04 0 Views
George Shaya ari kurwara

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yakambonetsa munhabvu – George ‘Mastermind’ Shaya (77) – anonzi ari kusimbirwa nemuviri ari kumba kwake mumusha weGlen Norah, muguta reHarare.

Mastermind, sezita rake remadunhurirwa, akaita mukurumbira achitambira zvikwata zvenhabvu zvinoti Dynamos FC nechenyika chemaWarriors.
Svondo rino Kwayedza yakaedza kutaura naShaya, nhare yake ikadariwa nemudzimai wake – Gogo Agnes Shaya – avo vakazivisa bepanhau rino kuti ari kurwara.

“Baba havasi kunzwa zvakanaka, muviri wavo uri kuvasimbira, iye zvino havasi kukwanisa kutaura panhare sezvo vakambozorora.
“Tamboenda navo kuchipatara tikadzoka saka vakazorora,” vanodaro Gogo Shaya.

Kwayedza yakaedza kuvabvunza kuti chii chaizvo chiri kusimbira Shaya, ndokupindura vachiti, “Munongoziva kuti baba vakura, kwave kukura chete saka muviri unomboremerwa pano neapo. Vakazorora zvavo uye tinovimba kuti vanopora nekukasika.”

Utano hwaShaya hwagara huchidzikira kwemakore adarika izvo zvakaona shasha yenhabvu yemuZimbabwe iyi ichidamburwa gumbo rekurudyi mugore ra2019 mushure mekunge anetseka nechirwere chepasi petsoka chinozivikanwa nekuti “gangrene”.

Panguva yaaitamba nhabvu, Shaya aizivikanwa ari nyanzvi izvo zvakamuona achihwina mubairo weSoccer Star of the Year kashanu. Pari zvino munhoroondo yenhabvu yemuZimbabwe, Shaya ndiye ane mibairo yehusoccer star yakawanda.

Share This:

Sponsored Links