‘Gogo chifai tigarewo imba yenyu’

10 Jan, 2023 - 13:01 0 Views
‘Gogo chifai tigarewo imba yenyu’ Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

IMWE chembere inogara mumusha weMabvuku, muHarare yachema-chema mudare reHarare Civil Court ichiti haisisina rugare sezvo iri kushungurudzwa nemuzukuru wayo uyo ari kugara achiituka kuti kudai yachifa iye asare achigara pamba payo.

Mbuya Vaida Kepekepe vakapotera kudare iri vachitsvaga gwaro redziviriro kubva kumuzukuru wavo, Funny Chiutsi, uyo wavanoti anouya pamba pavo achivatuka pamwe nekuvabira zvinhu zvavo.

Vanoti Chiutsi ane tsika yekusvetuka ‘razor wire’ achipinda muchivanze chavo ozovhura motokari, oraramo ivo vasingazvizive.

“Funny anonditukirira nemashoko akaoma achiti chembere ngadzichifa tikwanisewo kugara pamba apa. Gedhi ndinokiya asi iye anokwira nepamusoro pewaya okiinura mota newaya, orara imomo.

“Anoti ndinofanirwa kumuchengeta asi iye ane dzinza rake sezvo ari mwana wemukuwasha,” vanodaro Mbuya Kepekepe.

Vanoenderera mberi vachiti: “Chimwe chinondishungurudza ndechekuti anondibira zvinhu zvangu uye anobira vavakidzani vangu izvo zvisisina chimiro chakanaka.”

Chiutsi haana kuenda kudare.

Mutongi Tamara Chibindi vakapa Mbuya Kepekepe gwaro redziviriro ndokuti Chiutsi haafanire kutsika pamba paambuya vake.

Share This:

Sponsored Links