Gomarara neCovid-19

30 Mar, 2021 - 17:03 0 Views
Gomarara neCovid-19 Mai Madzudzo

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SANGANO reTalk Cancer Zimbabwe svondo rapera rakaita musangano nevarapi vechivanhu nevemachechi vanova nhengo dzeZimbabwe National Practioners Association (ZINIPA) apo vaifundiswa pamusoro pechirwere chegomarara nekudzivirirwa kweCovid-19.

Izvi zvinotevera ongororo yakaitwa nesangano iri pakaonekwa kuti varapi vechivanhu nevemakereke vachakasarira kumashure panyaya dzedziviriro yezvirwere izvi uye matanho anofanira kutorwa kana pachinge paita fungidziro.

Mai Michelle Madzudzo, avo vanova mutungamiriri weTalk Cancer Zimbabwe vari zvakare murapi anoona nezvekupiswa kwegomarara (radiographer), vanoti zvakakosha kuti varapi vechivanhu vawaniswe ruzivo pamusoro pezvirwere izvi.

“Tinoziva pasi rose vanhu vari kurwisana nechirwere cheCovid-19 izvo zvava kuita kuti zvimwe zvirwere zvakaipisisa segomarara zviite sezvafuratirwa. Zvirwere zvegomarara ndizvo zviri pamberi mukuuraya vanhu kupinda HIV, rurindi, malaria neCovid-19.

“Chirwere cheCovid-19 nekuda kwekuti chinopararira nekukasika, chinotorwa sechakaipisisa kupinda gomarara,” vanodaro.

Mai Madzudzo vanoenderera mberi: “Pamaonero angu, panguva yakauya chirwere cheCovid-19 munyika muno, vanhu vakawanda – kusanganisira varwere vegomarara – vakatanga kuona zvirwere zvavainazvo sezvisina maturo vava kutya chirwere cheCovid-19 zvichitevera kupararira kwakanyanya kwachinoita uye kuuraya nechimbi-chimbi.

“Vazhinji vakatanga kutya kunyangwe kunovhenekwa Covid-19 nekuti havadi kuziva pavamire izvo zvakaita kuti vatye zvekare kuenda kuzvipatara kunorapwa nekupiswa gomarara. Vanofunga kuti kungosvika pamusuwo wechipatara unobva wavhenekwa Covid-19.”

Vanokurudzira varwere vegomarara kuti vasaregedze kuenda kuzvipatara kunorapwa nekutya chirwere cheCovid-19.

“Chakakosha kuzvidzivirira pose paunenge uri kuburikidza nekugeza maoko nguva nenguva nesanitizer kana nesipo nemvura, kuregedza kuungana nekupfeka mamasiki,” vanodaro.

Vanokurudzira varwere vegomarara, varapi vechivanhu nevemachechi uye neveruzhinji kuti vapinde muchirongwa chakaunzwa neHurumende chekubaiwa majekiseni ekudzivirira Covid-19.

“Tinotenda zvikuru nerudo rweHurumende yedu apo yakakwanisa kutsvaga mishonga yemajekiseni ekudzivirira Covid-19 akabva kunyika yeChina. Vanhu vane gomarara vari nyore kubatwa nezvimwe zvirwere nokudaro tinokurudzira kuti vabaiwe majekiseni aya kuti vagare vakachengetedzeka,” vanodaro Mai Madzudzo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>