Gore rino nderedu: DeMbare

09 Feb, 2023 - 11:02 0 Views
Gore rino nderedu: DeMbare Herbert Maruwa

Kwayedza

Abel Ndooka

MURAIRIDZI mutsva weDynamos FC – Herbert Maruwa – ari kutsidza kuti achavaka chikwata chakasimba zvichaita kuti vatsigiri vachitanga kudzoka kuzovatsigira nehuwandu hwavo vachizadza nhandare dzakasiyana-siyana.

Maruwa akagadzwa pachigaro chinopisa ichi kuDeMbare ndokutsiva Tonderayi Ndiraya zvichitevera kupera kwekondirakiti yake.

Maruwa anoti akagamuchira basa rekurairidza chikwata ichi nekuti aiziva kuti anogona kuchidzorera panguva iyo yachaizivikanwa chichisimudza mikombe yakawanda.

“Ndiripo pachigaro chinopisa uye ndinozviziva kuti chinopisa asi ndakatambira basa iri nemaoko maviri nekuti ndaiziva kuti ndinokwanisa kutungamira chikwata chikuru chakaita sechino.

“Basa guru ratiri kuda kutamba nhabvu inonwisa mvura tidzore vatsigiri vedu vauye kuzotsigira chikwata chavo chino vachizadza nhandare sezvavaisiita kare DeMbare ichiri kupisa,” anodaro.

Maruwa anoti chikwata chaakawana chiripo kuDynamos chine vatambi vane tarenda, asi tarenda iri anoda kuwedzera kuribika.

“Chekutanga, tinoda kuti vatambi vedu tivabike vagotanga kuhwina mitambo yavo uye kana tave kuhwina, tinoda kuti vagotanga kushevedzwa kuzotambira chikwata chenyika, tozotanga kutumira vatambi vedu kunze kwenyika.

“Izvi zvose zvinokwanisika asi hunge tikashandura pfungwa dzevatambi vedu vave nepfungwa dzenhabvu vazive chinonzi kuhwina,” anodaro.

Kurairidza chikwata chikuru chakaita seDynamos hakusi nyore sezvo kunotarisirwa zvakawanda kubva kuvanhu vakawanda vanosanganisira vatungamiri nevatsigiri vacho.

Asi Maruwa anoti achashanda nevanhu vese achinzwa pfungwa dzakasiyana, otora zvaanoona kuti ndizvo zvinogona kumushandira mubasa rake.

“Dambudziko riripo kana uchishandira chikwata chikuru chinenge chino, unenge uchipihwa mazano anobva kwakasiyana. Saka unofanirwa kuziva mazano ekutambira neasiri uye woona kuti anoshanda ndeapi.

“Pane vamwe varipo kuda kukuona uchidonha, koita vanoda kukuona uchibudirira. Saka unofanirwa kungongwarira woziva zvakanaka nezvakashata kuti ubudirire,” anodaro.

DeMbare yakapedzisira kuhwina mukombe wePSL mugore ra2014 apo yairairidzwa naKalisto Pasuwa.

Kubva kwakaita Pasuwa mugore iri, vamwe varairidzi vakamutevera vanosanganisira David ‘Yogi’ Mandigora, Paulo Jorge Silva, Lloyd ‘Samaita’ Mutasa, Lloyd ‘Mablanyo’ Chigowe naNdiraya vese vakakundikana kudzora mukombe wePSL kuchikwata ichi.

Mwaka mutsva wenhabvu wegore rino unotarisirwa kutanga mwedzi unotevera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>