Uncategorized

Goronga: Humambo hwemapipi, kuroyana

20 Mar, 2020 - 00:03 0 Views
Goronga: Humambo  hwemapipi, kuroyana Mambo Goronga

Kwayedza

Kingstone Mapupu

HUMAMBO hwekwaGoronga vemutupo weNzou Chirumba vachiyera mhuka yechipembere hune madzimambo maviri — ari muZimbabwe neari kuMozambique — uye hunonzi hune mukurumbira wekuroyana nemashiripiti.

MuZimbabwe muna mambo anoshevedzwa kuti Goronga koitawo kuMozambique kuina Magaso kunova kwakatangira humambo uhu.

Vanhu nedzinza iri vanonzi vakabva nekunyika yeTanzania ichiri kunzi Tanganyika kare ndokuzogara kuMozambique.

Hushe uhwu hunonzi huzere nemashiripiti uye mumwe wemudzinza iri anonzi ainetsana nemunin’ina wake nekuda kwehushe akazoramwa, ndokubva kuMozambique achiuya kuZimbabwe.

Asi ave muZimbabwe, mukoma uyu anonzi akatora tsvimbo ndokurova paruware urwo rwakatsemuka ndokupinda iye nemhuri yake akazoonekwa ave kuMozambique zvakare —ave kuronga kurwisa munin’ina wake.

Mambo Goronga vekuMudzi, VaBoyi Nyamande (50) — vanova ishe wechi17 — vanoti madzitateguru avo akabva kuTanzania.

“Dzinza redu takasvikira kuMozambique uko kwakatanga kugara mambo wekutanga ainzi Magaso makore akare, zvikuru varungu vasati vasvika kunyangwe kuMozambique. Panguva iyi, rudzi rwedu tainzi Marembe kuburikidza nemutauro wedu. Mutupo wedu iNzou Chirumba Marembe,” vanodaro Mambo Goronga.

Vanoti kuburikidza nekunetsana mumagariro, humwe hushe hwavo hwakazosara kuMozambique vamwe ndokuyambuka kuMudzi, kuNyamapanda, uko kwakazotanga hushe hwaGoronga.

“Tiri mhuri yaMutota, ndiro dzinza redu. Madzimambo ose anoti ekwaMagaso kuMozambique nekuno kwaGoronga tinovigwa kumapako egomo rinoyera rinonzi Dinin’ombe rinowanikwa kunzvimbo yeChingwere kana kuti kuDzunga, kudunhu reKalidade riri kuChangara, kuMozambique,” vanodaro Mambo Goronga.

Vanoti dunhu ravo guru riri pasi paMambo Magaso.

Mambo wekutanga ainzi Nyamuguzamimba uyo anonzi akabereka vanakomana vaviri vaiti dangwe Mutogwa kana kuti Mutorwa naNyatupanga.

Mutorwa ndiye akazove mambo wechipiri.

“Mambo wechitatu akava Nyatupanga uyo akazobereka vanakomana vake vaiti Chibvuri naNyahuna. Nyahuna akazonyengera mukoma wake Chibvuri kuti vapote vachiuraya vanakomana vavo vose nekutyira kuti vaizotorerwa humambo,” vanodaro Mambo Goronga.

Vanoti Chibvuri akatevedzera zano iri ndokutanga kuuraya vanakomana vake vose apo Nyahuna ainzvengesa vake achinovachengetesa kwatezvara vake achinyepa kuti auraya.

“Nyahuna akazoita vanakomana vake vana Chibvuri ndokupedza kuuraya vake nekudaro Chibvuri haana kuzotonga kuburikidza nekushaya vanakomana. Nyahuna akazoshevedza vanakomana vake vose kubva kwavatezvara vatokura akaita mabiko ndokushevedza mukoma wake Chibvuri apo pakaridzwa ngoma vachiratidzwa kudzinza rose.

“Chibvuri akagumbuka zvikuru kuti akafurirwa kuuraya vana vake asi munin’ina wake achichengeta vake,” vanodaro Mambo Goronga.

Chibvuri anonzi akazoramwa ndokubva atakurana nemhuri yake achienda kuKotwa ndokusara mudzimai wake mudiki.

“Pakutama nemhuri yake, Chibvuri akauya kudivi reKotwa, kuMudzi achibva kuMozambique ndokunogara panzvimbo inonzi Yave-Yave kuNyamuwanga apo pava nedhamu izvozvi. Anonzi akasvikobairira banga paruware, tsoka dzake nedzembudzi nehari dzavaiisa pasi ndokudhindika paruware urwu kuburikidza nemishonga nemasaramusi,” vanodaro Mambo Goronga.

Apedza kuita izvi, anonzi akazorova ruware netsvimbo rwuchibva rwazaruka iye ndokupindamo nemhuri yake.

“Anonzi akazoonekwa ava kuBarwe kunyika yeMozambique ava kuronga kurwisa Nyahuna,” vanodaro Mambo Goronga.

Vanoti nekuda kweizvi, mhuri dziri kutonga muhumambo hwavo ndedzaNyahuna naMutorwa.

Nyahuna ndiye akazova Mambo Goronga wechina uye akazoberekawo vanakomana vake vaisanganisira dangwe Pinduka, Kasina, Kachenje Nyakuyaka negotwe Gwiti Kapofu.

“Pahushe hwaGoronga, dzimba mbiri dzasara dzichitonga dzinoti yaKachenje naGwiti dzabva munaNyahuna naMutorwa. Sezvo dzinza redu raizivikanwa nembiri yekuroyana, Kasina anonzi akatumirwa mbada ikamuruma ndokusara ava nemaronda muviri wose. Mamwe mashoko anoti akatumirwa mheni achitsvaga mbariro dzekuvaka musha wake ndokurohwa achibva angofira panzvimbo,” vanodaro.

Mambo Goronga wechishanu ndiKachenje Muchenje Nyakuyaka uye wechitanhatu poita Gwiti Kapofu.

“Humambo wechi7 hwakagarwa naTsinga kuchitiwo Tubu ndiye akava mambo wechisere uyo aiva mwana wechipiri waKachenje. Wechipfumbamwe ndiChihurihuri kana kuti Chiureure, aiva dangwe raKapofu.”

Mambo wechigumi ndiNyakuchena uye aiva mwanakomana wechitatu waKachenje.

Nyakuchena akazoteverwa naChitumbi Gwedzewere aiva mwanakomana wechitatu waGwiti.

Munhoroondo iyi, Mambo Goronga vanoti Tonde ndiye akazoita mambo wechi12 uyo aiva mwanakomana wechipiri waTsinga.

Akazoteverwa naKatsvairo aiva muzukuru waGwiti aberekwa naNyanhowo.

“Munhoroondo yedu, imwe isina kunyorwa pasi, zvinonzi pahushe hwechi14 paifanirwa kugarwa naMambo Magaso avo vakazosara kuMozambique uko vari kutonga. Ndivo vakagadzwa variko kuBarwe, kuMozambique, apo vakazoti kune vaiva kudivi rekuno chitsvagaiwo mumwe mambo ikoko. Ndipo pakazogadzwa Chibadu mwana waTonde akazova mambo wech14,” vanodaro Mambo Goronga.

Nyambimbo akave wechi15 uyo aiva mwana waChiureure wemba yaMagwiti, kuchizotiwo wechi16 aiva Tiki Mpatiseni muzukuru waTubu.

Mambo Goronga vanoti ivo ndeveimba yaMagwiti uye muzukuru waNyanhowo. “Ini Boyi Nyamande ndiripo izvozvi samambo wechi17 asi mukatarisa ndaifanirwa kuva mambo wechi18 ndichibva mumba yaGwiti. Ndiri muzukuru waNyanhowo, mumutsetse wemba yedu kunotevera Nyamande, Zonge, Chavheka naTsonga,” vanodaro.

Mitumbi yemadzimambo ekwaGoronga kubvira pane wekutanga kusvika wechi13 yose inonzi yakanovigwa kuninga dzegomo reDinin’ombe riri kuMozambique.

“Chibadu Mambo Goronga wechi14 akavigwa kwake oga kuNyahuku nechikonzero chekuti akafa nechirwere chepabonde, inova nyaya yakashoresa dzinza ndokuiswa kwake. Chimwe chikonzero ndechekuti Chibadu akagadzwa humambo naMambo Magaso vekuMozambique vari vapenyu zvikaita kuti paite madzishe maviri edzinza redu sezvo humambo hwaakagara hwakanga hwatanga kupihwa Magaso ndokuzogadzwa iye,” vanodaro Mambo Goronga.

Pamutemo wedzinza iri, Chibadu naMagaso vaisabvumidzwa kusangana kana kuonana nekuti aiva madzishe maviri edzinza rimwe chete uye vaitonga panguva imwe chete.

Mumwe asina kuvigwa kumakomo anoyera ndiNyambimbo uyo anonzi akashaika mugore na1982 apo kunyika yeMozambique kwaiva nehondo zvikaita kuti asaiswe kuninga kune vamwe vake.

“Nyambimbo akavigwa mumusha waMarovha kuChivava zvinoreva kuti madzimambo asina kuvigwa kuninga kune vamwe vaviri.”

Vanhu vedzidza iri vanoyera Nzou Chirumba asi mhuka yavanoyeresa chipembere icho chavanoti havadye nyama yacho kana kusvika pachinenge chafira.

“Madzimai edu akazvitakura havasvike pafa chipembere kana kudya nyama yacho kunyangwe vasina pamiviri. Isuwo varume zvimwe chetezvo. Tiri nzou asi tasiyana nevaye vanoyeresa nzou,” vanodaro.

Vanoti mudzinza ravo kubva kuna Magaso kuMozambique nekwaGoronga kuZimbabwe havana mhondoro dzinosvika, vakagumisira naNyahuna naNyakuchena avo vanonzi vakaramwa kusvika.

“Chimwe chakaita kuti mhondoro idzi dziramwe inyaya yekuti Mambo Magaso akaroora mudzimai aiva nevana vake mumwe wacho ainzi Jambo. Vari kuMozambique ikoko, mubvandiripo uyu akada kuchizogara hushe mambo vashaika, izvi aida kuzviita achishandisa mhondoro mbiri idzi,” vanodaro.

Patsika dzekugadzwa kwehushe hwedzinza iri, mhondoro inofugidzwa jira dema vanhu vakaungana, potaurwa mazita evanhu vanoda kugadzwa.

Mhondoro idzi dzinonzi dzinopotsera dombo panotaurwa zita remunhu uye dombo iri rikanopinda mumukombe, unenge wakaiswa kumberi kwemhondoro, kureva kuti munhu iyeye atambirwa nevadzimu anobva agara hushe. Asi rikapotsa mukombe haagare.

“Jambo ada kugara hushe, akazopihwa bute nemhondoro idzi akaputa apo asina kuhetsura sezvinotenderwa patsika dzedu kana ari iye anofanirwa kugara, mangwana acho akazofuma akafa. Mwana waJambo mukomana Notice akazoti baba vake vainge vauraiwa nevanhu ndokuzomhan’ara kumapurisa ekuMozambique apo dzinza redu rose vanhu vakatanga kurohwa zvakasimba nembaramatonya vachinzi vakaponda munhu. Izvi zvakaitika mugore ra1958,” vanodaro Mambo Goronga.

Vanoti pane masaramusi akaitika pairohwa vanhu vekwaMagaso nemapurisa apo shamhu dzacho dzairovawo mamwe mapurisa vakazoguma vave kuzhamba kusvikira vamira kurova vanhu.

“Nekuda kwenyaya iyi, tine vana vaMagaso vakawanda vakatoshaika vamwe vachinzi vakakandwa mumvura nekuuraiwa nehurumende yaivako kuMozambique vachikandwa mumvura kuburikidza nemwana waJambo, Notice. Saka kubva ipapo mhondoro dzedu dzakabva dzaramwa zvekuti hadzisi kusvika nekuda kwenyaya iyo inoda kuripwa.”

Mambo Goronga varipo vakagadzwa mugore ra2018 avo vanoti vanotevedza chivanhu chavo zvizere.

“Tine nzvimbo dzinoyera dzinosanganisira iko kugomo reDinin’ombe. Tinoita mapira nemikwerera nematumba, doro redu tinobika nehuchi hunouya nenyuchi dzinobva pamuwuyu unoyera tosanganisa nemhunga. Doro iri rinobikwa nechembere dzaguma kuzvara,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links