Gumbo riri kungozvimba

31 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Gumbo riri kungozvimba Levious Ncube achitaridza gumbo rake rakazvimba

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MURUME wekuGokwe anoti ari kutambudzwa zvikuru negumbo rake iro rakangoita kunge rabaiwa nechimuti, pashure ndokubva ratanga kuzvimba zvakanyanya uye ari kutsvaga rubatsiro rwemari kune veruzhinji kuti akwanise kurapwa.

Levious Ncube anoti aishanda kuArt Farm apo aiva mumunda panova pakatanga dambudziko iri.
“Ndainge ndiri mumunda ndichibva ndangonzwa kunge ndabaiwa nekamuti mugumbo ndikarwadziwa zvakanyanya. Rakabva raita kunge raoma rese ndichibva ndatsvagirwa tekisi yakandiendesa kuchipatara.

“Ndiri kuchipatara imomo, ndakabaiwa majekiseni ndichibva ndatanga kurutsa. Machiremba akati ndinofanira kuvhiiwa gumbo iri.

“Nekuda kwekushaya mari uye havana kundiudza kuti imarii yaidiwa, ndakabva ndangodzokera kumba kusvika nanhasi,” anodaro achitaridza kurwadziwa.

Murume uyu anoti akamboedza kushandisa mishonga yechivanhu asi hazvina kubatsira.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey