Uncategorized

Haisi mhondi, akabvumira kutya: ZRP

06 May, 2021 - 16:05 0 Views
Haisi mhondi, akabvumira kutya: ZRP Insp Chananda

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) anoti mashoko ari mune imwe “audio” iri kutenderera pamadandemutande ari kutaurwa nemurume wekwaMutare ekuti iye nevamwe vake vanoponda vanhu ndeekunyepa uye akaita izvi mushure mekumanikidzwa nekurohwa nechikwata chemuporofita kana kuti n’anga iri kutsvaga mukurumbira.

Mumashoko ari mu”audio” iyi, murume uyu ari kutaura kuti vanoponda vanhu uye vamwe vachivakanda mumvura pakuchekeresa.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Inspector Luxson Chananda, vanoti mukuferefetwa kuri kuitwa nyaya iyi, zvakabuda kuti murume uyu anonzi Samuel Samudzimu (22) wepaPlot 16, kuBurma Valley kana kuti kwaSabhuku Gosho, kwaChigodora.

Vanoti akataura mashoko aya mushure mekurohwa nezishamhu ari panzvimbo inoshandira muporofita kana n’anga anozviti Mai Nyasha.
“Murume uyu akaenda panzvimbo inoshandira muporofita kana kuti n’anga inozivikanwa nekunzi Mai Nyasha aine tsoko yake iyo aifamba nayo yaanoti akaibata ichigamhina musango. Akasvikapo achida kushandirwa, pakazosanduka nyaya ave kunzi akanga auya kuzoedza muporofita uyu achibva atanga kurohwa achinzi ataure zvose zvaaiita mukurarama kwake,” vanodaro Insp Chananda.

Murume uyu anonzi paairohwa, akazotanga kurotomoka achitaura mazita evanhu vakawanda vemudunhu reMutare, kusanganisira vane mabhizimisi, avo vaaiti ndivo vanovatuma kuponda vanhu.

“Nyaya iyi yakaburitswa nedzimwe nhepfenyuro muno amai ava (Mai Nyasha) vachitaura nezvenyaya iyi anova manyepo ose. Zvaiitwa zvose izvi murume uyu aida kuti arege kurohwa kusvikira ava kungodzomoteka kutaura nhema kuti vamuregerere.

“Nyaya iyi yava kuvakuru vedu, inoda kugadziriswa. Murume uyu akachengetedzwa nemapurisa pamuzinda wedu weMutare Rural uri kuSakubva sezvo ava kutya kudzokera kumusha kwake achiti anonopondwa nevanhu nekuda kwemashoko aakataura ekunyepa,” vanodaro Insp Chananda.
Vanoti murume uyu aifamba netsoko iyo anoti akaiwana yakakuvara ndokutanga kuirapa kusvikira ave kufamba nayo.

“Nyaya yemurume uyu yakatanga kubuda takazomutora tikamuvhurira dhoketi rekugara nemhuka yemusango zvisiri pamutemo sezvo asina mvumo yekuita izvi. Akatoenda zvake kumatare edzimhosva akaregwa, tsoko iye ikatorwa nevebazi reParks,” vanodaro.

Insp Chananda vanoti nyaya iyi ichiri kuferefetwa.

“Tinofanirwa kungwarira maporofita nen’anga dzenhema dzinoda kutsvaga mukurumbira nepasina chiripo sezviri kubuda munyaya iyi,” vanodaro Insp Chananda.

Kubva mumasvondo mashoma adarika, kune mashoko ari kutendererdzwa nevanhu pamadandemutande anotaura nezvevana vanonzi vakapondwa kana kushaikwa.
Mamwe emashoko aya ndeanoti kune mwana akabhinywa nemadzuramwoyo, ndokupondwa mutumbi wake ukazowanikwa kurwizi Hunyani, kwaSeke wachekwa makumbo nemusoro uye matumbu akasiiwa ari panze asi mhondi dzacho ndokuzotiza.
Mapurisa vari kuramba nyaya iyi.
Mamwezve mashoko anoti kune mudzimai akasungwa apo akasungwa nemapurisa ekuBuhera mushure mekuwanikwa akaisa mwana mupenyu musaga pamwe chete nembudzi zviri pamusoro pebhazi.
Mapurisa anoti hakuna nyaya yakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>