Uncategorized

‘Handi Ndunge, matsotsi’

07 Jun, 2019 - 00:06 0 Views
‘Handi Ndunge, matsotsi’ Jabulani Ndunge

Kwayedza

Kingstone Mapupu, Ashley Muchamiri naMilcah Nhakura
VERUZHINJI vari kuyambirwa kuti vangwarire magevha ayo ari kufamba achizviti in’anga uye vachiti ihama kana kuti vana vaSekuru Ndunge – n’anga yekuChipinge iyo yakashaya.

Sekuru Charles Makhuyana Ndunge vakashaikwa mwedzi miviri yadarika uye vanga vaine mukurumbira muZimbabwe nekunze kwenyika ino sen’anga.

Zvichitevera kufa kwaSekuru Ndunge, kune vanhu vanonzi vave kufamba vachizviti vana vaSekuru Ndunge kana kuti in’anga dzaishanda negodobori raiva nembiri munyaya dzekurapa nekurombesa iri.

Mwanakomana mukuru waSekuru Ndunge, Jabulani Ndunge (44), anoti zvichitevera kushaika kwababa vake, kune vanhu vave kufamba vachinyebera nekubira veruzhinji vachishandisa zita raNdunge.

Svondo rakapera paseri, pane mumwe murume akaenda muAfrica Unity Square iri pakati peguta reHarare – padyo-pedyo nemahofisi eKwayedza – achizviti in’anga uye mwana waSekuru Ndunge.

Murume uyu akazotanga “kushandira” vanhu achivabhadharisa mari yaitangira pa$12 zvichikwira pane zvavaida kubatsirwa nazvo.

Vanhu vakasvikirwa neKwayedza vakaita mudungwe vachida “kubatsirwa” mumatambudziko avo apo paivawo nevamwe baba vanoti vakashaya mwana wavo mucheche, ndokuzongowana mbatya dzake mugomo.

VaNesbert Matengambiri – avo vakabhadhariswa $10 nemurume anozviti mwana mudiki waSekuru Ndunge uyu – vanoti havana kuwana mwana wavo sekuvimbiswa kwavakaitwa nemunhu anozviti n’anga uyu.

Murume uyu akangoti anonzi Baba Morgan Ndunge uye akaudza Kwayedza kuti ndiye gotwe raSekuru Ndunge.

Nhamba dzake dzenhare dzaakapa vanhu vainge vakaungana dzinoti 0776 410 812 asi hadzifoneke uye kana munhu akaedza kutumira mari, dzinoburitsa zita rinoti Violet Blair.

Kune mumwe zvakare munhukadzi ari kuzviti Euna Ndunge, uyo ari kuitawo zvehun’anga achiti akapihwa masimba naSekuru Ndunge.

Euna anoti muzukuru waSekuru Ndunge, mwana wemwanakomana wavo mukuru.

Sekunge izvi zvishoma, kudunhu rekuMidlands kune mumwe zvakare ari kuzviti Isaac Ndunge, uyo ari kuita hun’anga uye anoti mwanakomana waSekuru Ndunge.

Zvichakadai, paakataurwa naye neKwayedza, Jabulani anoratidza kushatirwa zvikuru nekuda kwevanhu vari kufamba vachisvibisa zita rababa vake ava.

“Hatina munhu mumhuri medu anonzi Baba Morgan anova n’anga. Kunyepa uko, matsotsi ari kubira vanhu saka ngavasungiswe. Kune uyo ari kuzviti Isaac Ndunge kuGweru, ini handimuzive mumhuri medu, matsotsi ayo.

“Seuyo anozviti Isaac Ndunge, akabvira kare achinetsa nekushandisa zita redu kubvira baba vachiri vapenyu,” anodaro Jabulani.

Anoti kune nyaya ichangobva kuitika yepamusha painge pafiwa kuBindura, kuMashonaland Central, apo mhuri yakafirwa nanababa vemusha ndokunzi kune varume vaviri nemunhukadzi vakazoendapo vachizviti vana vaNdunge uye vaida kubhadharwa mishonga yakapihwa mushakabvu uyu.

“Ini ndakazofonerwa nemapurisa ekuBindura vachiti kune vanhu vakaenda parufu urwu vachizviti vana vemhuri yedu yekwaNdunge ndokuti mufi uyu ainge akapihwa mishonga nezvimwe zvinhu nababa vedu VaCharles Makhuyana Ndunge. Vanhu ava vanonzi vaida kubhadharwa $2 000 iyo yavanoti yaive yasara asi vakazotiza apo dhiri ravo rakabondera,” anodaro Jabulani.

Anoti paakafonerwa nemapurisa, ndipo pazvakazivikanwa kuti vanhu ava matsotsi.

Zvinonzi magevha ari kushandisa zita raSekuru Ndunge atekeshera nenyika.

Mumazuva adarika, kune vamwezve vanonzi vaitenderera kudunhu reNyanga, kuManicaland, vachifamba mumisha yevanhu vane hama dzakafa vachiti vanoda kudzoserwa mishonga yavakapihwa naSekuru Ndunge kana kuti vobhadhara nemombe kana mari.

“Nyaya dzose dzevanhu vari kushandisa zita rababa vangu ndiri kudzinzwa. Yambiro yangu kuruzhinji rweZimbabwe – kunyange kunyika dzekunze – kuti vasungise vanhu ava kuitira kuti vasarambe vachibirwa.

“Ndinokumbira nemwoyo wose kuti kana vaona vanhu vakadai ava, ngavandifonere pa0772 891 805 ndotaura navo uye nevanhu vacho,” anodaro.

Anoenderera mberi: “Izvozvi vanhu vasingazive mafambiro ari kuita zvinhu vanoguma vave kutaura kuti onai zvave kuitwa nevana vaSekuru Ndunge, vave marombe asi izvo zvisirizvo,” anodaro Jabulani.

Mutauriri wemapurisa eZimbabwe Republic Police kudunhu reMashonaland Central, Assistant Inspector Petros Masikati, vanoti vanoda nguva yekutsvaga nyaya yevanhu vanonzi vaida kutsotsa mhuri yekuBindura yaiva parufu iyi.

“Regai tigoona kuti nyaya iyi yakafamba sei, yevanhu vaizviti vana vaNdunge avo vanonzi vaida kubira vanhu panhamo. Tinoti vanhu ngavangwarire kubirwa,” vanodaro Asst Insp Masikati.

Mukuru wesangano reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoyambirawo n’anga nemaporofita vangangodaro vari kushandisa mazita evashakabvu kana asiri avo kuti imhosva.

“Tinokurudzira mhuri yekwaNdunge kuti imhan’are nyaya dzakadai kana vaine wavangowana chete achishandisa zita ravo zvisirizvo,” vanodaro VaKandiyero.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>