Handichada nhabvu: Mhofu

06 Sep, 2019 - 00:09 0 Views
Handichada nhabvu: Mhofu Sunday Chidzambwa

Kwayedza

Abel Ndooka
AIMBOVE murairidzi wechikwata chenyika chenhabvu chemaWarriors, Sunday “Mhofu” Chidzambwa, anoti ambosendeka zvemutambo uyu sezvo zvamukandisa mapfumo pasi uye ave kuita zvekurima.

Mhofu ndiye aive murairidzi wemaWarriors apo akaenda kunokwikwidza kumakwishu eAfrica Cup of Nations (Afcon) akaitirwa kuEgypt nguva yadarika uko chikwata ichi chakanonyadzisa zvichitevera makakatanwa aivepo pakati pevatambi nehutungamiri hweZimbabwe Football Association (Zifa) izvo zvakaona vatambi vachipotsa vatadza kutamba mitambo yavo yese sezvo vaiti vanoda kubhadharwa mari yavo yavakange vavimbiswa.

MaWarriors akangokwanisa kubva kumutambo uyu aine chibodzwa chimwechete apo akaita mangange 1-1 neUganda uye ndokukundwa mimwe mitambo miviri, 1-0 nemaPharoahs eEgypt kozoti 4-0 neDemocratic Republic of Congo.

Zvichitevera kudzoka kwakaita chikwata ichi kubva kuAfcon, Mhofu akasvika achisiya basa uye Zifa ndokuparadza chikwata chese chemaWarriors vachiti chinoda kuvakwa patsva.

Zifa yakabva yagadza Joey Antipas semuraidzi wemaWarriors.

Muhurukuro neKwayedza, Mhofu anoti zvenhabvu yemuno azvitadza uye parizvino ave kuita zvekurima kumunda kwake.

“Panguva ino handisi kuita zvenhabvu ini, ndave kuita zvekumbosakura kumunda zvenhabvu ndakambomira.

“Zvenhabvu yemuno zvinonetsa zvikuru hazvina kumira zvakanaka uye hazvisi kuoneka kuti zviri kuenda kupi saka zviri nani kumboita zvekurima,” anodaro.

Mhofu anopa muenzaniso wenyakanyaka yakaita svondo radarika izvo zvakaona maMighty Warriors achikundikana kutamba neZambia kunhandare yeNational Sports Stadium mumutambo wekurwira kuenda kumakwishu emaOlympics achiti uyu mucherechedzo wekuti zvinhu hazvina kurongeka zvakanaka.

“Shuwa mukatarisa zvakaitika svondo richangodarika nemaMighty Warriors munoti zvinorakidza kurongeka here izvozvo?

“Ndiko kusaka ndati ini ndakazvitadzawo zvenhabvu yemuno. Ndave kumbozvimira mbichana ndimboita zvekusakura kumunda kwangu,” anodaro Mhofu.

Obvunzwa maringe neremangwana rake, Mhofu anoti, “Remangwana hatirizive isu tose, ndezvaMwari uye ndiye anoziva kuti ndichadzoka here mumutambo uyu kana kuti kwete.

“Sekutaura kwandamboita, iye zvino ndakambomira zvekutaura pamusoro pezvenhabvu uye kuita zvenhabvu sezvo ndave kumboita zvekurima. Asi, handizive kuti mangwana akamira sei.”

Shasha iyi ndeimwe yevarairidzi vemuno vane mukurumbira uye vakahwina mibairo yakasiyana vachirairidza nhabvu.

Mhofu akamborairidzawo mutambo uyu kunze kwenyika kusanganisira zvikwata zvekuSouth Africa zvakadai seUmtata Bush Backs, Black Leopards neFree State Stars.

Ndiye murairidzi wekutanga muZimbabwe kutungamira maWarriors kuenda kunokwikwidza kuAfcon mugore ra2004 izvo zvaakadzokorodza zvakare gore rino.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>