Uncategorized

‘Handidi mukadzi anorara nehembe’

23 Aug, 2019 - 00:08 0 Views
‘Handidi mukadzi anorara nehembe’

Kwayedza

Tatenda Shuro
VANHU vaive mudare redzimhosva vakakahadzika apo mudzimai wekuDomboshava akati murume wake anomumaminikidza kuti ayamwe sikarudzi yake.

Doesn’t Matter Nyahuku akataura mashoko aya muHarare Civil Court apo akamhan’arira Washington Ruzvidzo.

“Uyu murume wangu asi anondirova pose paanodzoka kubhawa husiku. Paanodzoka ini ndarara, anosvikobvarura zvandinge ndakapfeka, hanzi unorarirei nehembe uchiziva kuti ndinenge ndichiuya. Zvakare, anondimanikidza kuti ndiyamwe nhengo yake,” anodaro Nyahuku.

Anoti murume wake haamupe mari yekuti atenge chikafu asi paanouya kumba anohaya tekesi.

“Ukangoti ndipeiwo mari anoti handina asi anouya kumba nemotokari dzokubhadhara. Ndinodzipwa pahuro kana kudzingirirwa nebanga nababa ava,” anodaro.

Ruzvidzo anoti ane dambudziko nechikumbiro chaNyahuku uye zvose zvaari kutaura manyepo.

“Ndinopokana nazvo zvose zvaataura nokuti pari panyaya yemari ndikamuti handina haabvume uye kungomira patakishopu nemadzisahwira ndotonzi uri kutengera vanhu zvinwiwa,” anodaro.

Anoti haauye kumba pakati pehusiku achibva kubhawa sezviri kutaurwa nemudzimai wake.

“Panyaya yekubhawa, ini ndinonwira paMverechena zvokutoti kumba ndinoenda nguva dzichiri nani vanhu vachakamuka kwete pakati pohusiku. Ndiri munhu mukuru ini kwete kamwana kadiki uye ndomuchengeta uyu asi haatende, hapana chaanoshaya zvose anowana,” anodaro.

Ruzvidzo anotiwo haamanikidze mudzimai wake kuti amuyamwe.

“Mukadzi uyu anongondipomera mhosva, zvaanoti ndinomuyamwisa nhengo yangu kunyepa. Kumudzipa kupiko, kana kubvarura hembe manyepo.

“Mumwe musi ndichipinda mumba, akatodzipa mwana ega huro akabva ave kutanga kudaidzira kuti mwana wangu veduwe kuri kuda kundibvisa chimiro. Kubasa chaiko handisisina hunhu naamai ava,” anodaro Ruzvidzo.

Anoenderera mberi achiti, “Anoti amai vangu ipfambi. Iko zvino muimba yatairara tose akatiza, ave kushandisa imwe imba oga. Ndikada kuenda ikoko anoti tsvaga hako mumwe wekuita naye bonde ini handitokude hapasisina rudo zvakapera. Ndinotoshaya kuti mweya rudzii upi uri paari.”

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Nyahuku gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links