Handina kupera, ndichiri kutapira: Sugar Sugar

27 Nov, 2023 - 18:11 0 Views
Handina kupera, ndichiri kutapira: Sugar Sugar Taruvinga 'Sugar Sugar' Manjokota - Mifananidzo naMemory Mangombe

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUIMBI wemusambo weSungura, Taruvinga “Sugar Sugar” Manjokota (46), anoti haasati apera uye ave kudzoka mune zvemimhanzi zvine mutsindo.

Muhurukuro naSugar Sugar, uyo kumusha anobva kwaMuzokomba, kwaMambo Nyashanu, kuBuhera, anobuda pachena kuti upenyu hwange hwambomuomera zvishoma asi ane dambarefu idzva raari kutarisira kuparura munguva pfupi inotevera.

“Ndakavamba zvekuimba mugore ra1986 ndichiridza gitare remagaba. Panguva iyi ndaiyemura mhanzi yaSimon Chimbetu naKetai Muchawaya. Pakuridza kwangu gitare, ndaiedza chose kutevedzera vaimbi ava nevamwewo vakaita sasekuru wangu Knowledge Kunenyati,” anodaro Manjokota.

Anoti akatanga kutsikisa dambarefu rake rekutanga mugore ra1998 raiva nenziyo nhanhatu rinonzi Pandaironga.

“Dambarefu rechipiri rinonzi Kurekure Kwawakaenda, rechitatu Juliana, rechina Ndoenda Zvangu uye Ndiri Muhondo ndiro rechishanu. Ndakazoitawo Remix yaJuliana, uye madambarefu angu ose anosvika 12 kusanganisira idzva iri,” anodaro.

Muimbi uyu, uyo aimboridza mubhawa rekwaCharehwa, kuBudiriro 2 muHarare, anoti haana chakaipa naMai Charehwa avo zvinonzi neveruzhinji ndivo vakamuparadzira chikwata chake vasingamubhadhare.

“Mai Chirehwa ndivo vakandisimudzira kwete kuti vakandiparadza. Basa rangu rakangodzikira ndikaguma ndava kugara kuZvishavane, ndikazoenda kuSouth Africa uko ndaiita mashoo. Asi nyika yevamwe inonetsa, ndaitorerwa midziyo ndichiridza saka ndakazodzoka kunyika kwangu,” anodaro Manjokota.

Anorambawo kuti akaparadzwa nenyaya yekusabvira mumadhirezi.

“Ndakaita zvangu madzimai akawanda, vamwe ndichitorerwa nevamwe varume nekuda kwehurombo. Handigone kuziva huwandu hwemadzimai andakaita, vakawanda. Vana ndine 9 uye pane vaviri vakomana vandakadzidzisa kuridza magitare ndokuzotorwa nezvinodhaka, mitoriro nezvimwe. Mumwe wacho ava kutopenga, kwete zvinotaurwa kuti ini ndakambopenga,” anodaro Manjokota.

Anobudawo pachena kuti anoputa mbanje kuti awane simba rekuimba.

“Ndinochema vana vangu vaviri vakomana vandakadzidzisa kuridza magitare, izvozvi vapera nemutoriro, ndinorwadziwa. Vamwe vanasikana vangu hamheno kuti kune achagona here kupinda mutsoka dzangu, nyika yaparara nemutoriro.”

Dambarefu raanoti achaparura nemusi wa9 Zvita paMashwede Village, kuHigh Glen, padyo neGlen View 8 Complex, rinonzi Kudzoka kweSugar Murudo uye rine nziyo nhanhatu.

“Ndinotenda muzvinabhizimisi VaMashwede vakandibvumira kushandisa musha wavo weMashwede Village kuno kuHigh Glen pandinodira. Saka ndipo pandichaparurira dambarefu rangu idzva, pachave nevaimbi vane mukurumbira nevachiri kusimukira. Huyai muone sugar ichidzokera mugaba mayo ichitapira,” anodaro Manjokota.

Muimbi uyu ane chikwata chake cheSamaita Express chine nhengo dzake dzose dzaakatanga nadzo.

“Dambarefu idzva iri nderechi12 randinotarisira kuti richatora mwoyo yevakawanda. Rwendo rwandafamba munyaya dzemimhanzi rwakakura. Panziyo dzinondibata dzinosanganisira Miros Une Pamuromo, Gweja, naKunyarara. Hongu, ndakarwadziwa zvinhu zvaoma ndikaenda kuSouth Africa mugore ra2018 ndikazodzoka gore rakapera. Ndadzoka, ndinoti hokoyo nekunakirwa nesugar iyo!” anodaro Manjokota.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey