Handisi kumira: Sensei Muripo

03 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
Handisi kumira: Sensei Muripo

Kwayedza

Abel Ndooka —
SHASHA yemutambo wekarate, Sensei Samson Muripo – uyo achangobva kuhwina menduru yegoridhe kumutambo weWorld 3rd International So-Kyokushin Karate Tournament kuAhvaz, kuIran – anoti kukunda kwake kusimukira kukuru kwemutambo uyu muZimbabwe.

Sensei Muripo kuIran akakwikwidza mumapoka anoti Kata Competition apo akapedza ari pechitatu ndokuhwina menduru yebhuronzi, +23 Category Under 90 kgs akapedza ari pechipiri ndokuhwina yesirivha kozoti Senior Men Open Weight Category 35-40 Years apo akahwina yegoridhe.

Panguva iyo Zimbabwe yatarisana nekuronga mutambo weFirst So-Kykoshin International Karate Tournament, Sensei Muripo anoti kuhwina kwaakaita kuchabatsira kuti vakotsveri vatsigire mutambo uyu.

Karate, anodaro Sensei Muripo, mumwe wemitambo iri kusimukira uye ine mukana mukuru wekusimudzira mureza wenyika.

“Tine basa guru ratakatarisana naro muno sezvo tiri kuronga mutambo wedu mukuru weFirst So-Kyokushin International Karate Tournament uyo uchaitirwa muHarare muna Chikunguru. Mutambo uyu uchabatsira zvakasimba kushambadza nyika yedu,” anodaro Sensei Muripo.

“Kuhwina kwandange ndichiita ndinoona sekuchabatsira kuti vakotsveri uye kana Hurumende chaiyo itsigire mutambo uyu nekushanda pamwe nesu apo takatarisana nekuronga mutambo wedu mukuru uyu.

“Hatisi kuita izvi kutsvaga mbiri, kwete asi kusimudzira mureza wenyika yedu tose kuti tifare,” anodaro Sensei Muripo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>