Handiwe bedzi une kodzero

08 Jul, 2016 - 00:07 0 Views

Kwayedza

NYIKA imwe neimwe pasi rose ine mutemo unonzi ndiwo mutemo wapamusoro-soro, rinove bumbiro romutemo. Kana Zimbabwe inawo mutemo watinoti “supreme law of Zimbabwe” wakadzikwa mugore ra2013.

Vanhu vakavhotera bumbiro romutemo iri zvine mutsindo nokuti rakavavhurira mikana pane zvinhu zvakawanda zvakange zvisipo mubumbiro rakange rakamiswa nechibvumirano cheLancaster House Agreement.

Zvimwe zvezvinhu zvakapihwa mikana ikodzero dzavanhu dzokuratidzira murunyararo pasina kufurufushwa navanochengeta mitemo, kuratidzira mushure mokunge vanhu vapa mapurisa chiziviso chokuti vanoda kuratidzira, uyewo kuratidzira pasina mhirizhonga.

Chikamu chechipiri chebumbiro romutemo chinotaura nekodzero dzavanhu muzvikamu zvakasiyana-siyana (Fundamental human rights and freedoms).

Pasi pechikamu ichi, pane zvikamu zvekodzero zvinopfuura makumi matatu zvinonzi zvakakosha. Izvi zvinosanganisira “Freedom of assembly and association; Freedom to demonstrate and petition; Freedom of conscience; Freedom of expression and freedom of the media; Access to information”, nezvimwe.

Takananga kupi nenyaya iyi? Zviri pachena kuti kuratidzira kwakatanga svondo rapfuura kuBeitbridge kwauya mune dzimwe nzvimbo munyika, kusanganisira muguta guru reHarare namamwe maguta. Mukwende ari pakati pokunyora, ndizvo zvakange zvichiitika, nokuti kune vakadaidzira kuti ngativharei Zimbabwe (Let’s shut down Zimbabwe).

Kutaura kwokukwezva, nokuti handizivi kuti nyika inogona kuvharwa sei. Hongu munogona kuda kuvhara nyika asi mubvunzo ndewokuti kodzero ndedza vamwe vanhu here, vamwe vachishaiswa kodzero dzavo?

Mungabudirira pazvinangwa zvokuti ngativharei Zimbabwe, asika nyika ine vanhu vane zvido zvakasiyana-siyana. Vamwe vanenge vasingabvumirani nemi. Vamwe panguva iyoyo vanenge vakatarisana nematambudziko – kurwarirwa kana kufirwa. Zvinhu zvisinganyorerwe tsamba kuti ngazviuye musi wakati, asi kuti zvinongouya uchida usingade.

Saka wofuratira matambudziko here nokuti kune vari kuti tavhara Zimbabwe? Varwere havachamairwa kana kurapiswa?

Kana pasina izvozvo, kana vasingadi kubatana nevanhu vanoda kuvhara nyika, kodzero dzavo dzinocherechedzwawo here? Vane zvinangwa ndivo vane kodzero dzakakura kupinda vanhu vanoda runyararo here?

Mumwewo mubvunzo ndewokuti, ko iye akati kuratidzira ndekwokupwanya zvinhu, vamwe vachida kuba ndiani? Vanhu vakaratidzira murunyararo, zvichemo zvavo hazvinzwike here? Zvakapwanywa muna 1998 zvimwe hazvina kuzombogadzirwa. Kana vanhu vakaita zvavakaita kuBeitbridge, zvinosvika kupi?

Touya kunyaya dzemichina yokufambisa mashoko iri kushandiswa mazuvano – social media yakafanana neWhatsApp, Facebook, Twitter. Zvinhu zvinonetsa kuita hondo nazvo, kunyanya paine vane ruzivo rwuri pamusoro kupinda rwako iwe unenge uchida kudzoreredza zvinhu?

Zvinhu zvakanaka zvikuru, asi damudziko ravepo nderokuti vanhu vanoita zvinhu nokuti pane mumwe munhu angonyora paWhatsApp kuti ngatiite zvakadai? Kunakidzwa negudzamudungwe here?

WhatsApp inoshandisa nhamba dzefoni dzavanhu dzinogona kuzivikananwa, kunyanya pakaita zvisina kunaka. Pamusana pei vanochengeta mutemo vasingatore matanho iwayo. Zvinoreva kuti kana ndave neWhatsApp kana Facebook, ndave kuitwa muranda wokugamuchira mavhu namarara anotumirana vanhu vasina zvokuita nenguva yavo here?

Ndokombera ndichiti, pane munhu anonzi mufundisi aibuda achikurudzira kuti Zimbabwe ngaivharwe akaisa mureza wenyika muhuro.

Pasocial media anoshandisa #ThisFlag. Handifungi kuti anoziva kuti mureza uyu wakauya sei, uyewo kuti wakamirirei.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey