‘Hanzvadzi yangu inotengesa mbanje’

05 Mar, 2024 - 08:03 0 Views
‘Hanzvadzi yangu inotengesa mbanje’

Kwayedza

Phillipa Mukome Chinhoi

MUDZIMAI wemuHarare akaendesa hanzvadzi yake kudare reHarare Civil Court achiti aneta kugara achingorohwa pose paanomutsiura nekuda kwenyaya yekutengesa mbanje pamba pavakasiirwa nevabereki vavo.

Fiona Chingate anoti Sasha Mandewo anogara achimushungurudza uye musikana wake anouya pamba nemabhuku ane mifananidzo yevanhu vanenge vari musvo izvo zvave kukanganisa hunhu hwevana vake.

“Mumwe musi akandirova mushure mekunge ndamubvunza mari yekuti titenge chikafu mumba nekuti ainge aine chikwereti changu. Ndakatora mari yaakanga ainayo iyo yaienderana nechikwereti changu ndokutanga kundirova achibatsirana neimwe hanzvadzi yangu, ndakazopona nekubatsirwa nevavakidzani,” anodaro Chingate.

“Rimwe zuva zvekare akauya kuzosasana nemusikana wake mumba, apo ndakamuudza kuti vabude panze akandisaidzira ndokundirova mbama ndikadonha pasi. Ndinoona sokuti kutengesa kwaanoita mbanje ndiko kuri kumupa hunhu hwakadai nekuti mukukura kwedu aisadaro, kungomutsiura chete kurohwa.

“Ndinokumbirawo kuti musikana wake uyu asasvike pamba pedu nekuti anouya nemabhuku ane vanhu vasina kupfeka zvinove zvave kukanganisa vana vangu.”

Achipawo divi rake, Mandewo anobvuma kuti akasundidzira Chingate akadonha asi anoti haana kuzviita achida.

“Hongu, zvaari kutaura zvakaitika asi aida kurwisa musikana wangu ndokubva ndamusaidzira kuti asadaro ndokumurova mbama asi ndaisada kumurova,” anodaro Mandewo.

“Handiite zvembanje uye handina kana zuva randakambomurova. Mupei zvenyu gwaro handina dambudziko nazvo,” anodaro.

Mutongi Johanna Mukwesha vakapa Chingate gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links