Hapana asingade mukombe: Kaindu

28 Mar, 2024 - 22:03 0 Views
Hapana asingade mukombe: Kaindu Kelvin Kaindu

Kwayedza

Abel Ndooka

MURAIRIDZI weHighlanders “Bosso” — Kelvin Kaindu — ari kuyemura zvikuru nhabvu yemuno iyo anoti iri kusimukira sezvo zvikwata zvakawanda zvave kukwanisa kuhwinawo mukombe weCastle Premiership.

Munhoroondo yenhabvu yePremier Soccer League (PSL), kwakamboita nguva refu mukombe weligi iri uchingohwinwa nezvikwata zvemuHarare neBulawayo chete.

Asi kubva muna2017, mukombe uyu wave kunetsa kudzokera kumapurovhinzi maviri aya – Harare neBulawayo – sezvo uri kuhwinwa nezvikwata zvekunze.

CAPS United yemuHarare ndiyo yakapedzsira kuhwina mukombe uyu mugore ra2016 apo kubva gore raitevera mukombe uyu wange uchingonanga kuMidlands uko waisimudzwa neFC Platinum iyo yakazoibvutirwawo mwaka wadarika neNgezi Platinum yekuMashonaland West.

Izvi Kaindu anoti zvinorakidza zvikuru kuti nhabvu yemuno yasimukira nekuti zvikwata zvinobva kune mamwe mapurovhinzi zvave kukwanisa kurwirawo mukombe uyu zvichitousimudza.

“Mhando yenhabvu iri kutambwa muZimbabwe yasimukira kubva pandakapedzisira kushanda munyika ino uye izvi zviri kuonekwa nematambiro ari kuita zvikwata zvakasiyana.

“Kana tichiona zvikwata zvakaita seNgezi Platinum zvave kuhwinawo mukombe weCastle Premiership zvinorakidza kuti nhabvu iri kusimukira,” anodaro.

Kudzoka kwaKaindu kuBosso, vatsigiri vazhinji vechikwata ichi vanofunga kuti muchinda uyu achakwanisa kuchitungamira mukuhwina mukombe wePSL uyo chakapedzisira kutora mugore ra2006.

Paakamborairidza chikwata ichi kare, Kaindu akasvika pakusiya basa asina kumbosimudza mukombe wePSL.

Muhurukuro neKwayedza, Kaindu anoti iye nechikwata chake havasi kuda kuzvipa mutoro wakakura wekumhanya kutaura kuti vachahwina mukombe wePSL here sezvo mwaka wenhabvu uchangotanga.

“Munoziva hakuna chikwata chisingade kuhwina mukombe wePSL naizvozvo isu tinotodawo mukombe uyu, asi chatisingade kuzvipa mutoro wakakura nekumhanya kutaura kuti tichahwina mukombe uyu.

“Mukombe unohwina nechikwata chinotamba nhabvu inonwisa mvura mwaka wese izvo tiri kushanda nesimba kuti tigokwanisa kuzviita mwaka uno.

“Mwaka wedu uchangotanga saka toda kumboshanda nesimba tichiona kuti tiri kufamba sei,” anodaro.
Kaindu anoti mwaka uno vanoda kukoshesa kupa mukana kune vatambi vakawanda vechidiki avo vachabva kuchikwata chavo chevechidiki cheBosso 90 vakaita saHonest Mhlanga.

Anoti remangwana renhabvu riri mune vechidiki saka zvakakosha kuti zvikwata zvese zvichashande kupa vatambi vechidiki mikana yakawanda yekutamba muchikwata chevakuru uye vachigadzira mazita avo.

“Zvakakosha chaizvo kupa mikana kune vechidiki nekuti ndivo vachave vatambi vemangwana saka isu seBosso tinonzwa kufara nekuti tiri kupa mikana kuvatambi vechidiki vakawanda.

“Mwaka wadarika, chikwata chedu chakapa mikana kune vatambi vakawanda uye pandauyawo ndasvika ndikapawo mukana kune vamwe vakaita saHonest Mhlanga uyo akatombotamba mumitambo yedu yadarika.

“Ibasa redu tose kubika vechidiki nekuvapa mikana iyi vasimukire mumutambo uyu,” anodaro.

Svondo rino, Bosso ichange iri pamusha panhandare yaBaboufields apo ichasangana neSimba Bhora uye musi weMuvhuro unotevera ichatamba neTelOne kuBata Stadium, kuGweru.

Share This:

Sponsored Links