Uncategorized

‘Hapana chakaipa, munhu ngaadyiswe’

14 Oct, 2021 - 09:10 0 Views
‘Hapana chakaipa, munhu ngaadyiswe’

Kwayedza

Kingstone Mapupu

N’ANGA igere kuSomerby, pakati peguta reHarare neNorton, iri kubuda pachena kuti inopa mishonga yemipfuhwira senzira yekusimbisa dzimba dzevakaroorana zvisinei nekuti pane vamwewo vanozoishandisawo asi vasiri muwanano.

VaSweat Sugar (69), avo vanonyanya kuzivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Sekuru Sugar Sugar uye vachibva kuMozambique, vanozovokanwa nekupa mishonga yemipfuhwira zvinoita kuti padare ravo pagare pakawanda vanhu — kunyanya vanhukadzi.

“Ndakatanga basa rekurapa mugore ra1980 ndabatwa nemudzimu wasekuru wangu. Basa rangu guru ndinopa mipfuhwira kune vanhu vakaroorana — vose varume nevakadzi — kuitira kudzikamisa dzimba dzavo. Asi vanowanda mudare rangu madzimai,” vanodaro Sekuru Sugar Sugar.

Sekuru Sugar Sugar vanoti hapana chakaipa pakudyisa munhu sezvo zvichisimbaradza rudo pakati pevaviri. Vanoti kunze kwekupa mupfuhwira, vanoitisawo madzimai zvidzidzo zvekubatwa kunoitwa varume mudzimba chavanoshevedza kuti chinamwari.

“Mipfuhwira yandinopa vanhu havazogona kurambana, vandapa mushonga vakazoda kurambana mumwe pakati pavo anotofa nekuzviuraya arwadziwa nekurambwa. Mishonga yangu ndinogadzira nezvakasiyana —sehangaiwa idzo dzisingasiyane,” vanodaro.

Sekuru Sugar Sugar vanoti mipfuhwira yavo iri kubatsira mhuri dzakawanda sezvo vakaroorana vachichembedzana pasina kurambana zvoita kuti vana vakure zvakanaka vaine vabereki vose.
“Varume vakawanda vane tsika yekutiza mudzimba vachienda kuma’small houses’ saka vakadyiswa mupfuhwira nemadzimai avo vanoita zvipota nemadziro pamisha yavo, hapana kwavanoenda. Mudzimaiwo kana asina kudzikama, murume wake ndikamupa mupfuhwira wekuti anomudyisa haambofa akafunga mumwe murume kunze kwewake chete. Zvinodzikamisa bonde sezvo uchiita newakaroorana naye chete uye kana murume waita chipari, unenge wave kungoda vakadzi vako vemumba chete,” vanodaro.

Sekuru Sugar Sugar vanoti kune mimwe mipfuhwira inoitisa munhu adyiswa dununu, kunyanya ikashandiswa zvisirizvo.

“Tinoitisawo Chinamwari kumadzimai zvose nekuvarume sezvo mazuva ano madzimai mazhinji vachienda kuvarume vasina kurairwa nemadzitete. Ivo varume vacho vanoroorawo pasina zvavadzidziswa kuti dzimba dzinotangwa sei.”

Vanoti kune madzimai anotengesa miviri vanoenda kwavari vachitsvaga mupfuhwira wekuti vadiwe nezvikomba nekuwanawo “mhene”.

“Vasikana vaye vemumabhawa vanouyawo ndichivapa mishonga yekuti vakechwe, zvinoita kuti varwirwe nevarume uyewo vachipihwa mari yakawanda,” vanodaro.

Zvichakadai, munzvimbo imwe chete yeSomerby kunaMbuya Masiyambiri, Mary Chenjeramanja (57), vanoitawo basa rimwe chete rekubatsira vanhu kuti vagare zvakanaka muwanano.

“Ini ndinobatsira mhuri dzakaroorana kuti vagare zvakanaka nekubvisa mhepo dzisingade kuti vanhu vagare mudzimba nedzisingade kuti varume vaite madzimai,” vanodaro Mbuya Masiyambiri.

Share This:

Sponsored Links