Hapana chirwere chiri nani

21 Jun, 2014 - 17:06 0 Views
Hapana chirwere chiri nani

Kwayedza

cathrine
CHAWANA hama hachisekwi kana kuti seka urema wafa kutaura kuti kana uchirarama pano panyika usazvirove dundundu uchiti hapana chinoitika kwauri kana kuti hapana chinokuwana. Hupenyu imhindu-pindu mangwanaunozoshama kana kunyara wava parumananzombe wavamowo mudariro rekukungura.

Baba vangu vaiva nasahwira wavo aibva kuMalawi aiwanzotaura kuti “chawana muzako chapita mawa chiri kwaiwe” zvaireva kuti matambudziko awana hama yako apfuura kwaari asi mangwana zvinokuwanawo.

Tiri parwendo rwekurwisana neHIV kudai kuchine vanhu vachiri muchapwititi chehutsi izvo zviri kuvapa kuti vasatambirane neruzivo uye nezviripo. Kune vana vakazvarwa vaine utachiona hweHIV havana kunyora gwaro rekukumbira kuzvarwa kana kuva zvavari. Vana ava vakasiyana nemunhu anoti akaona mukadzi kana murume amutsvetsva mumhinduro yavo hamuna izwi rinoti kwete kwavari chamuka inyama. Semunyori wechinyorwa chino ndinotsamwa nezvandiri kunzwa kana kuona zviri kuitika munharaunda dzatinogara kuti kune vanhu vachiri kusema mwana akaberekwa aine HIV asi ivo vasingazive kuti vakamira sei pamusoro peHIV yacho.

Ndakatambira gwaro kubva kune mukomana wechidiki masvondo maviri apfuura. Mugwaro rake, akarakidza kuti munhu asina kugara zvakanaka ane pfungwa dzinogona kusvika pakupfuudza hupenyu hwake nekuda kwehama dzaanogara nadzo. Zita remukomana uyu handigone kurinyora asi kana pane anoda kubatsira ndinogona kutaura mawanire amungamuite.

Heinoyi nhoroondo yake: “Ndiri mukomana ane makore 21 ekuberekwa ndakazvarwa ndine HIV uye ndiri pamaARV kwemakore gumi. Chiri kunyanyondirwadza ndechekuti handikwanise kuwadzana nevezera rangu nekuti vanoziva kuti ndine HIV.

“Ndingori karikoga nekuti hapana musikana anondidawo uye vamwe vakomana vanotaura kuti kamupfanha keAIDS. Ndinombofunga kuti ndibve hangu asi hakuna kwehama kwandingati kuri nani, vese maitiro avo kwandiri akangofanana.

Pfungwa dzangosara mumusoro mangu ndedzekugumisa hupenyu hwangu, handizive kuti ndingaite sei kuti ndibude murufuse rwandiri. Ndingatende mukandibatsira.” Ndiwo manyorero akaita mukomana wechidiki uyu.

Rusaruro nekusemana zviri kupwititika mudzimba umu, vehukama vari kutoita makwikwi kushungurudza mwana asina chaanoziva nezvaari.

Ndiri pamusoro pevanhu vane rusaruro runosembura kudai, ndinorangarira rimwe zuva ndiri pane imwe kiriniki muguta reHarare ndaenda kunobaisa mwana jekiseni remakore mashanu okuzvarwa, ndakashama nezvandakanzwa musi uyu.

Ndakada kuti ndidaire asi dzimwe pfungwa dzakanditi muromo zvinyararire.
Paiva nemukoti aidevedzera kuti “vauya nevana endai kudivi iri, veTB endai padoor iro, vane zvimwe zvirwere rambai muri pamabhenji ipapo, kouya vane chirwere vauya kuzotora mapiritsi torai makadhi enyu apo muende kwamunositorera”.

Ndakashama nekugumbuka nezvakataurwa izvi nekuti hapana chirwere chiri nani kupinda chimwe ingave TB, malaria, chirwere cheshuga kana HIV yacho ukasatevedzera zvinodiwa unonanga kwamupfiga nebwe.

Wenyu:[email protected]

Share This:

Sponsored Links